A-LEVEL — PAFUNGE: Josiah kamambara

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 8 (Ongororo)
Muchitsauko ichi tinodzidza nezvetsika nemaitiro evanhu. Tichangotanga chitsauko ichi tinoudzwa kuti “patsika Josiah kaiva kamambara komumhu.

Kaiva kamunhu kakachenjera, asi kuchenjera kwacho kwaiva komuperi kana kuti kuya kunonzi kunjerukira” (31). Zvinonzi pakutaura kaiita “kachikurumidza kunge munhu ane kwaari kumhanyira” (31). Ko iko kuzoti kunyepa, hazvitaurwe, “kureva nhema! Nhunzi yakanga isina matyira kumhara pamuromo waJosiah yaiva nhunziiko” (32).

Kutaurisa kwaiva pamusha pakwo izvo zvinonzi, “kubvira ari pwere aiti akanga avhura rusaka rwake vapwere vaimumomotera.” Ainge asingatani kutora moyo wemusikana sezvo “aingoti akanyenamira musikana chete, mwana wavanhu aitorasa muswe, haachazivi zvaari. (32). Munhu ainge akarimirana kumuganhu nebadza ari murwarazhizha chaiye.” Usimbe pakanga pari pachirambo pahwo. Nguva yezhizha aipedza achiti ainge ari kubandwa nemusoro” (31).

Muchinda uyu haana ruremekedzo kuna baba vakamuzvara. Izvi tinozviona nematauriro akaita sokudai, “haa, fokoro mhani ini ndava kuita fanika ndiwe wakachengeta mweya wangu mudhara iwe. Ai ai, ai ini handingarohwi nemumwe murume ndisingadzoreri ini, kunyangwe ndiri kurwara zvangu.

Wajaira kundirova kwawaiita kare, iwe mudhara wamwepiko neusiku hwakadai? Kundirova? Unondirova chikanjani kani fanika wakandisunga maoko?” (35).

Mukaona mwana wokuzvarwa ava kuburitsa mazwi akaita seaya motoziva kuti mwana akadai haana kana kadonhwe kerukudzo kune mubereki wake. Kuzoti pari pakutaura maererano nezviri muBhaibheri aizvirova sesimbi yaanoda kuti ive chinhu chaari kugadzira kana kuti “aitora ndima mubhuku iri (bhaibheri) odzimonyorora mutsipa kusvikira dzatarira kwaaida iye kuti dzitarire” (32).

Pamusoro pezvo aitaura iye pachake kuti ainamata Bacchus mwari wavaRoma wedoro nemazvo, kwete vamwe vanamwari.

Kuti muverengi unatse kunzwisisa izvi Bacchus aive mwari wevaRoma uyo anova wekunwa kunodhaka, achisweroita zvekunakirwa achipemberera nazvo. Zvekunakirwa izvi zvaiti kudzana, kuimba nekuswera vachihuchocha hwahwa neupombwe unonyadzisira (orgy). Muverengi anobva anatsa kuona upenyu hwacho hwaifarirwa naJosiah obva aona kuita kwake.

Enzaniso tinodziona dzichishandiswa zvebasa. Tinobva tanatsa kujekeserwa kuti tione makuriro anoita vamwe vanhu avo vanokura vachiita zvokupupuridza “sechimera chiri muvhu rine mupfudze” (31).

Asi Josiah kukura kwaakaita hakuna kuita sekudai sezvo kwake kwaingova kuramba kukura chete “kunenge kwekadzinde kerukweza kari padivi penzira” (31). Ndosaka akapihwa zita rokunemerwa rokuti Gonzo nekuti akazvarwa ari katokotoko “kunge gonzo” (31).

Mafambiro acho aiita “kunge inorunza kumafuro nekufambisa” (31). Kuzoti kutaura kwacho kaitaura kachikurimidza “kunge munhu ane kwaari kuda kumhanyira” (31) maoko achiraswa-raswa, kasoro “kainge kanhambadada” kachidzungudzirwa nekugutsurirwa.

Aiti kana achinge atanga kutaura kwake kusinganyararwi vana vaimumomotera “senhunzi pachana chiri kudya mukaka” (32). Musikana kana achinge anzi “kanjani so sisi” aibva afemera mudenga padundundu “sokunge anzi mweya wako ngauchiuya uzopinda mudenga” (32).

Baba vake vanomboedza kumutsiura pamusoro petsika yake yeusimbe asi mazwi aya anopinda nemunzeve yekurudyi obuda nemunzeve yekuruboshwe. Vanomuti munhu anofanira kuzvisimbaradzawo kwete kungogara akati vhumba “semhambo iri kurarira mazai” (32). Munhu haafaniri kugumbatira nhamo “somucheche” (33).

Panorwa Josiah naPhainos Kamunda, muchinda uyu anochigarwa napadama munhu ndiye vhorokosho pasi taso, kwava kuzodiridzwa nemvura “somududu” (34) munhu ndiye dzidziu dzidziu.

Kubvira panguva iyo Josiah anopopotedzana nevabereki vake mwana wemunhu anoonekwa ava kutanga kufurira kunze kwedanga “kunge mombe yenjeni” (34). Pakutaura kwega mujaya uyu aizvigona sezvo aidirwa rorurimi “rwainge rwakaumbwa namazenga ouchi” (34).

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey