A-LEVEL — PAFUNGE: Rudo naJoe vanonetsana pamusoro pemufananidzo

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 3 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Aneta nekuruka, Rudo aikukura marara mukamba kavo mainge musisazive chinonzi mutsvairo. Tsikidzi anoshaya zvokuita nadzo sezvo aive asina mari yokutenga mushonga wekupfapfaidzira kuti dzife. Kugara achifunga kumusha kunoita kuti agare achingochema.

Nerimwe zuva achirongedza zvinhu mubhokisi anorohwa nehana apo anosanganidza maziso ake nemufananidzo waiva mufuremu uyo unoita kuti abve ati mufananidzo uyu ndewaamai vake mubhokisi raJoe. Apo anobhedhenura mazitsamba maviri aakaburitsa mubhokisi, averenga mumwe wemigwembe miviri yetsamba iyi uyo wainge wakasainazve kuti A.T. semufananidzo uya, anobva aona chokwadi chezvakanga zvaitika mupfungwa dzake.

Joe apo anouya usiku hwacho akadhakwawo zvake ndizvo hazvo, anosvikomubvunza kuti ari kurongedzei, iye ndokumubvunza kuti mufananidzo waainge awana mubhokisi Joe akauwana sei. Joe anoti amupe aone, ndokubva azonyomba Rudo achiti haana nguva yekurondedzera tunhu tusina basa. Rudo anoenderera mberi achiti Joe anotofanira kumuudza chete ndokunyombazve Rudo.

Rudo anoramba achibvunza Joe kuti mufananidzo uyu akauwana kupi iye ndokurotomoka achitsvinya Rudo achizvirumbidza nekuve jengavakadzi. Rudo anoona kuti akasadimura Joe nyaya hayaisvika paaida ndokumuudza kuti pikicha iyi aiziva, ngaamuudze kuti akaiwana kupi, uye sei.

Joe anoenderera mberi nekunyomba Rudo achimuudza kuti pikicha iyi yaive yerimwe zipfambi rakafa kare kare. Rudo haaigona kunge akariona nokuti aigona kunge asati aberekwa Joe paakanga akarinyenga. Anozoti nderimwe ramazipfambi ake raakaramba riine pamuviri, raakazonzwa kuti rakazviuraya richisiyawo kapfambi karowo.

Joe anotukirira vakadzi vose achiti ipfambi muromo uyo wakanotufunyura zvainge zvakazvirarira zvazvo zvainge zvapedza makore akanakira kugumi rinoraudzira nemapfumbamwe.

ONGORORO:

Tinodzidza nezvetsika nemaitiro evanhu. Maererano naRudo tinoudzwa kuti munhukadzi uyu “aiva norudo rwunoshaikwa navazhinji pano panyika” (10). Kana ari iye Joe tinoudzwa kuti “Chakanga chakawedzera kudhaka kwedoro dzaiva hasha dzake dzinoutsinye nekutsvinya” (12). Mazwi anobuda mumukanwa make apo anotaura naRudo anotsigira izvi.

Muromo kuri kutaura chete haubviri nekuzvigona asi chiti itaiwo tione unokundikana zvinove nyore chaizvo kungovhura muromo kwava kubwereketa nezvingagoni kuitika sekutaura kwakaita Joe achitukirira vanhukadzi vose achiti ipfambi. Munyori anodoma tsumo yekuti, “Vakuru vakati muromo hauzarirwi norwizi” (13).

Mazwi ainge ataurwa naJoe aingoita kunge zvawowo, asi ainge achizonokoromora zvishoma nezvishoma zvihombe zvainge zviri mberi. Saka munyori achiti, “Muromo uyu wakava kamoto kamberevere kakandopisa matanda mberi” (13).

Rudo achiona maitiro emurume wake okusaziva zvaari haafadzwi nazvo asi anozvigamuchira nekuti murume ainge ari wake. Munyori anodoma tsumo inoti, “. . . ane benzi ndeane rake, kudzana kwaro unopururudza” (10) kuti atsigire pfungwa iyi.

Tochiuya kuenzaniso tinoona dzichishandiswa zvakati kuti. Madyirwo anoitwa sadza naJoe anonyatsotsanangurwa nemusambo uyu. Zvinonzi apo aidya, sadza raingonzi nyobvorwe-nyobvorwe sare rakati tuku mwene rachobvorwa nehuku” (9). Kudyiwa kwacho kuchiitwa kusemwa “mwene rokumatakanana epwere” (9).

Magariro ezvinhu emukamba kaJoe anotsanangurwa achinzi kana shamwari dzake dzauya kamba kaibva kati shuku kuzara “kunge kabhokisi kemwana wechikoro” (10).

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey