A-LEVEL — PAFUNGE: Winnie indonda

02 Apr, 2015 - 20:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 7 (Nyaya yacho)
Mukadzi uya wekunzi naAnnatoria kana mwana wake asingamudi ngaarege afe ndivo amai vaWinnie avo vaibva kumba kusingadyiwi kuchigutwa. Winnie wacho haazofi zvake asi anokura akangonjororoka zvikuru zvekuti zvimwe zvinenge zvava kugonwa kuitwa nevamwe vana iye anononoka kuzviita. Anokura ari ndonda yemwana, aine kamuviri kakaperezeka.

Asi mwana uyu aiva nezvimwe zvaaiva nazvo, zvakafanana nekuti kubvira kachiri kadiki diki kaitaura mamwe mashoko aiita kuti vanhu vafunge kuti pada kakanga kakagarwa nomudzimu mukuru.

Nerimwe zuva kakabvunza amai vako kuti baba vababa vababa wake vaiva ani, amai ndokuti vainzi VaChizeto ndokugumira ipapo izvo zvinoita kuti Winnie abvunze kuti baba vaVaChizeto vaiva ani amai ndokutadza kupa mhinduro inogutsa.

Winnie kanoti kane mumwe mubvunzo wakaida kubvunza, wekuti baba vavo vanoti vanoenda kusvondo kunonamata asi kana kuine bira vonamatira kumusha, vanozviitirei? Ivo amai vachingoenda kusvondo wani?

Amai vanoti kusvondo nekubira hakuna kusiyana ndokudzinga mwana kuti aende panze kunotamba nevamwe.
Shamwari dzaWinnie dzaimuvenga nekuti aingogara achifunga semukadzi mukuru asi achidheererwa nekuti akanga asina simba rekurwisa.
Kasikana aka kakapinda chikoro paMharapara asi kakazotadza kudarika rugwaro rwechitatu sezvo baba vacho, avo vaive murombo wekupedzisira, vakashaiwa mari.

Hapana anogona kubatsira kasikana aka kuti kaenderere mberi nechikoro. Panguva yainge achiri kupinda chikoro kakabva kaita ushamwari hwakadzama naRudo.

Mumwe musi Rudo ari kumuperekedza kumusha achibva kuchikoro, anotaurira Rudo nezvehope dzake apo Rudo ainge akakwira mumuti uyo wakarohwa nemheni. Rudo anoti zvehope ndizvo angatevedza here ndokuseka zvake.

Winnie anoti hope dzake hadzisiwanzonyepi, dai anga ari iye, achaguma arohwa nemheni sezvo ari makwiramiti.
Mwana anodemba nekuonda kwaakaita achazoroorwawo here.

Ushamwari hwevaviri ava hunokura zuva nezuva zvekuti vabereki vavo vanogumisira vasunganidzwawo.
Vaviri ava vaiti kana vatsamwidzana, hushamwari hwavo hwaivambwa patsva kuita sehwawedzerwa.

ONGORORO:
Tinodzidza zvakati kuti maererano neunhu nemaitiro aWinnie.
Mwanasikana uyu tinobva taudzwa kuti “kubvira kachiri kadikidiki Winnie kaitaura mashoko aiita kuti vanhu vafunge kuti pada kakanga kagarwa nemudzimu mukuru” (28).

Tinodzidzazve kuti kasikana aka apo kakanzi naamai vako ngakaende panze kunotamba nevamwe kakabuda “somwana aiteerera vabereki vake” (29).

Kuzoti shamwari dzaaitamba nadzo dzaimuvenga “napamusana pokuti dzaiti aingogara achifunga somukadzi mukuru” (29).
Ainge ari munhu “asingadi kuvambana nevanhu zvakare” (29). Kuzoti pari pakumhanya apa, “hapana pwere yezera rake yaiti pwe-e” (29).
Aiti kana achinge arohwa asina chaatadza akanga asingaitiri amurova wacho shura kana pfundepfunde” (29).
“Akanga asingatani kukanganwira nokutsvagazve ushamwari ari iye mutadzirwi” (29).

Tinoona dingindira riya retsukukuviri (double standard). Mubvunzo unobvunzwa amai naWinnie unoita kuti tione dingindira iri.
Winnie anobvunza achiti, “ko, ivo baba zvavachiti ivo kusvondo vanoenda kunonamata, asi kana kuine bira vanonamatira kuno kumusha, vanodarireiko?

Inga imi munongoinda kusvondo chete wani?” (29).
Kudimikira kushoma asi kunotijekesera zvinenge zvichitora nzvimbo.

Kurega kufa kwakaita Winnie achishaya zvekudya zvakakwana kunodimikirwa kuchinzi “asina kuzoti sarai mugare, kana mukabika idyai” (28).
Baba vake waive musvuuganda chaiye, murombo wekupedzisira.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey