Amai vakanganwa mwana (1) kuma’shops’

07 Feb, 2023 - 16:02 0 Views
Amai vakanganwa mwana (1) kuma’shops’ Mudzimai wekurasa mwana 1

Kwayedza

Latwell Nyangu

MUDZIMAI anogara mumusha weWhitecliff, muHarare, anonzi akakanganwa mwana wake musikana ane gore rekuberekwa ndokumusiya pazvitoro zveko, asi ndokuzodzoka mushure memaawa matatu akamuwana akachengetwa nevamwe varume vainwa doro.

Izvi zvakaitika masikati emusi weSvondo wadarika paWhitecliff Shopping Centre.

Varume vainwa doro pazvitoro izvi vakachengeta mwana uyu mushure mekunge vamuona achingodhanaira achitenderera achiratidza kuti ainge asina munhu mukuru.

Vakazorohwa nehana kuona amai vake mushure memaawa matatu misodzi ichingoyerera vachiti vari kutsvaga mwana wavo.

Murume ane tsiye nyora akabata mwana akasiiwa pazvitoro

Mudzimai uyu akatadza kutsanangura kuti akanga akanganwa sei mwana uyu pazvitoro izvi.

“Ndamusiya pamba pandauya kuzvitoro uye ndashamisika kuti ari pano,” anodaro mudzimai uyu.

Airatidza kunetseka zvakanyanya nekudaro haana kukwanisa kutsanangura zvakawanda sezvo akaramba achingochema apo veruzhinji vaida kuti ataure chokwadi chekuti ainge asiya mwana uyu sei.

“Mwana uyu takamuona achifamba-famba achiratidza kuti arasika ari pazvitoro. Aipinda nekubuda muzvitoro achiratidza kuti akanga arasika.

Vanhu vakaunganira mudzimai wekusiya mwana pazvitoro

Ipapo vaSamaria vane mwoyo wakanaka vainwa doro vakamutora ndokuchengeta mwana uyu kusvikira amai vake vasvika vachichema,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.

Mumwewo anoti amai vake vakange vaenda kuzvitoro kunotenga chingwa ndokukanganwa mwana wavo.

“Akauya kuzotenga chingwa akakanganwa mwana ndokudzoka achichema,” anodaro.

“Wanga uripi? Warasa mwana kana kuti wanga waenda kunoita zvehunzenza,” anodaro mumwe aive pachaunga ichi.

Mushure mekubvunzurudza mudzimai uyu, varume vaive vakachengeta mwana uyu vakazomupa mwana asi ndokumuyambira kuti aigona kuzorangwa zvakasimba neveruzhinji kana akazviita zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey