Amai vari kurota Monika achata

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 15 (Nyaya yacho: Eenderero mberi)

Amai vanobvunza mwana kana ari kuvanzwa iye ndokuti hongu. Amai vanomuti kwaMujubheki ndiko kwaachafana kuenda. Monika pachake azvitsidzira kusaita nharo naamai vake nekuti vakange vomuti akanga anyepa nezvaakataura zvekuti zvakanga zvaitwa kwaari naMujubheki. Amai vanobva vafunga kuti mwana ava kuda zvekuroorwa naMujubheki uyo ainge ava kuuya kwavanaMonika kuzotandara manheru ose ose.

Mwedzi unopera, VaMushayazano vakanga vava kuita nani zvishoma nezvishoma asi vasati vanyatsa kugona kutaura. Mujubheki ava kuronga yekuroora achiti kana aenda kuChivhu anouya nerokwe kana shangu dzechikadzi achida kuzopa mukadzi wake bhokisi rakazara izvo Monika ainge asingazive. Mujubheki atsidza kuti aifanira kuzozviona musi waaizoenda chose kunomubikira apo paive pane shungu dzake dzose.

Amai vaMonika vari kurota nezvemuchato vachifarira kuti ndizvo zvichaitika munhu ndokuti regai ndibate chokwadi ndokubvunza kuti Timoti akazoenda nekupiko zvavainge vasisanzwi Monika achimutaura iye ndokuti akurawozve. Amai vanobva vafara vachiti aone kuchengetwa kwavari kuitwa naMujubheki kubvira musi waakatenda kuti amuroore. Amai vava kutoti Mujubheki mukuwasha wavo.

Vanomubvunza kana vakambotaura zvavanoda kupfeka pamuchato mwana ndokuti havasati vari vose vanotaura nezveimba yaari kuda kuvakisa yavachazogara kana vachata. Imba yacho ichazovakwa nevavaki vana, zvidhinha zvacho zviri zviya zvokuHarare zvinopiswa nemarasha. Zvemba kana zvapera ndipo apo pavachazochata. Amai vanonzwa manyawi vachinzwa izvi ndokurumbidza Mujubheki. Vanomuti murume uyu akavataurira kuti kana amuroora achamutengera muchina wekusonesa asingaendi kumunda achigara achisona ari panotonhorera, mabasa ose epamba achiitwa nemushandi.

Svondo iroro panobva pasvika varume vasere kuzovaka imba, vana vachivaka, vana vachisvitsa dhaka nezvidhinha. Mujubheki anopinda mune zvekuronga kuzopedzisa roora nezvekuronga muchato izvo zvinofadza VaChingweru vachitarisira kuti achava nerufaro naMujubheki. Monika ndipo paanobva ati haafungi kuti achafara naMujubheki nekuti haamudi izvo zvinokatyamadza amai vake. Akavataurira kare kuti haazombofi akada Mujubheki wavo ndokuvati vanyatse kumutarisisa vaone kuti ndizvo zvaakanga akaita here. Mai vanonanganidza kutarisa pameso, mhuno nenzeve dzaMonika ndokubvunza kuti ndiMujubheki here.

Monika anoti ndiTimoti uyo kupera kwesvonda iroro ainge achizouya kuzoona pamusha ipapo neshamwari yake. Amai vanoshaya zvekutaura. Kuchipatara baba vava nani vofungidzirwa kuti vaizopedza mimwe mwedzi mitatu varimo. Tendai anoti akawana kanguva oenda kuchipatara kunotandara navo vose vaviri ava pasina nechavanoziva maererano nezvakaitika kumba.

ONGORORO:

Tinoona kuvandudzwa nekuenderera mberi kwetarisiro yaVaChingweru kuti mwanasikana wavo ava kuzoroorwa ozochata (mounting anticipation). Monika anoona kuti zvekuramba achiitisana nharo naamai vake hapana kwazvinomusvitsa, saka achirega kuita nharo navo ivo ndokubva vafunga kuti ava mwana anoterera.

Tikaona matauriro avanoita kubvira chidimbu chepasi paPeji 78 kusvikira paPeji 81 chidimbu chepamusoro, tinoona kuenderera mberi kwetarisiro iyi.

Asi tinozosvika parutarinhari dziva (anti-climax) apo paPeji 81 Monika anoti, “Nokuti handimudi” (Mujubheki). Ndokusaka amai vake vachizoti, “Asi une chawafuma wadyasu?” Pavanozonyatsa kutarisisa mwana wavo ndokuona kuti arema voti zvimwe ndiMujubheki asi voudzwa kuti ndiTimoti, vanotanga kudedera munhu ndokungoti, “Monika mwanangu” (81) bedzi.

Izvi zvinowedzerwa nekushandiswa kunoitwa enzaniso apo zvinoti bhengenu mumaziso kuti Monika anenge atsikiswa mwedzi naTimoti apo zvinonzi vakaita “sezvinonzi vakanga vaona shumba” (91).

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey