Aponda baba, ndokudya nyama yavo, imwe ndokusasika

22 Aug, 2022 - 16:08 0 Views
Aponda baba, ndokudya nyama yavo, imwe ndokusasika Inspector Glory Banda

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MURUME wekuHwange anonzi akaponda babamukuru vake vane makore 62 ekuberekwa, ndokucheka-cheka mutumbi wavo, kwava kuisa imwe nyama yacho mupoto ndokubika pamwe nekuidya, imwe yose kwava kuyanika kuita chimukuyu.

Izvi zvinonzi zvakaitika paDinde kuHwange uye mapurisa emudunhu reMatabeleland North vanotsinhira mashura aya.
Mutauriri wemapurisa kuMatabeleland North, Inspector Glory Banda vanoti mhosva iyi yakaparwa naWished Mumpande (38) uye akatosungwa ndokumiswa pamberi pedare.

Insp Banda vanoti Wished Mumpande wemubhuku raNekatambe kuHwange, anonzi akauraya babamukuru vake, Fida Stephen Mumpande, vemubhuku raNekatambe, ndokuvacheka-cheka, ndokubika imwe nyama yemutumbi wavo ndokudya, imwe kwava kuturika mumuti achiiomesa.

Vanoti mushure mekupara mhosva iyi, musungwa uyu akawanikwa ari mumakomo eGandwe aine poto yainge iine nyama yakabikwa apo vanhu vaive mushishi kutsvaga Fida uyo ainzi akanga ava nemazuva matatu achishaikwa.
Chikwata chaitsvaga mufi uyu chinosanganisira Given Mumpande anove mwanakomana wemushakabvu, Maboli Sibanda naAlbert Munkuli avo vaitevera matsimba eshangu dzaFida.

Pavakaona poto yaive nenyama yakabikwa pamusoro pegomo, vatatu ava vanonzi vakave nefungidziro yekuti nyama iyi yaigona kunge iri yaFida nekudaro mushure mekuongorora kwakadzama, vakazoona dzimwe nhengo dzemutumbi dzakachekwa-chekwa uye dzakapararira pedyo nepaive nepoto.

“Mushakabvu Fida anonzi akabva kumusha kwake nemusi wa17 Chikunguru achienda kunogadzirira minda yake pedyo nerwizi rwaGwayi uye haana kudzoka.

“Aona kuti baba vake vainge vasina kudzoka, mwana waFida anonzi Given akabva abatana naSibanda naMunkuli vachienda kunomutsvaga. Nemusi wa20 Chikunguru, vakawana mutumbi wake uri kumakomo eGandwe paine imwe nyama yakabikwa nemusungwa,” vanodaro Insp Banda.

Vanoti vatatu ava vakawana mbatya dzemufi nematumbu zvakaiswa pamuti kuti zviome.
Mamita mashoma kubva ipapo, vanonzi vakawana zvidimbu zveruwoko rwekurudyi rwemushakabvu zvakaiswa pabazi remuti.

Vatatu ava vakazowana zvakare rwumwe ruwoko rwekuruboshwe, musana, makumbo nemusoro izvo zvainge zvakachekwa kuita zvidimbu.

Chidya chinonzi chakaonekwa chakachekwa kuita zvidimbu uye zvakaturikirana zvakaiswa pamapazi emiti.
Insp Banda vanoti musungwa uyu panguva iyi akabva abuda murugwezhwa akabata demo pedyo nepaive nepoto asi varume vatatu ava vakakwanisa kumubata.

Matikitivha ekuchikamu cheCriminal Investigation Department (CID) Homicide Division nemapurisa ekuHwange pamwe neeKamativi vakaita mushandirapamwe mukusunga Wished Mumpande.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey