Aroora nemari yekuba

09 Feb, 2023 - 20:02 0 Views
Aroora nemari yekuba Isaac Haruzive (pakati) aine vamwe vake 1

Kwayedza

Paidamoyo Bore

MURUME wemuHarare amiswa mudare nemhosva yekuroora achishandisa mari yekuba.

Isaac Haruzive (34) haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva paamiswa mudare reHarare Magistrates’ Courts pamberi pemutongi VaDennis Mangosi pamwe chete nevamwe vake vaviri vanoti Panashe Tsuro (22) naTongai Chirimumimba (27).

Zvinonzi nemusi wa31 Ndira gore rino, Kuzivakwashe Ngwasha neshamwari dzake vakaba briefcase yaive neUS$17 500 yadirector weQ Bar kuFive Avenue, muguta reHarare.

Ngwasha neshamwari dzake pavakange vave kutiza, vakabva vavharirwa nzira naHaruzive, Tsuro naChirimumimba.

Apo vatatu ava vakange vave kuda kubata Ngwasha, akabva akanda briefcase yaive nemari iyi pasi ndokubva apukunyuka.

Haruzive, Tsuro naChirimumimba vanonzi vakavhura briefcase iyi uye pavakaona kuti yaive nemari, vakabva vanyangarika nayo ndokuzogovana mari iyi pakati pavo.

Haruzive anonzi akashandisa mari iyi kutenga midziyo yekuvakisa inosanganisira masaga 48 esimende, marata, magonhi nemawindow frame.

Anonzi akatenga zvakare mombe nhatu, wadhiropu, kitchen unit pamwe nekushandisa mari iyi kuroora shamwarikadzi yake.

Vatatu ava vari kutarisirwa kudzoka mudare munguva pfupi iri kutevera apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Muchuchusi munyaya iyi ndiVaPardon Dziva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey