‘Baba vakandibhinya pamusoro peguva’

11 Jul, 2022 - 16:07 0 Views
‘Baba vakandibhinya pamusoro peguva’ Mudzimai wekubatwa chibharo

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

KUDZA baba namai vako sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako, rinodaro shoko remubhaibheri munaDeuteronomy 5 vs 16.

Asi zvinozofamba sei kana baba vacho vakashungurudza mwanasikana wavo mune zvepabonde?

Baba vorudzi urwu vakakodzera kukudzwa here?

Mubvunzo uyu uri kunetsa mumwe mudzimai ane makore 55 okuberekwa wekwaMutasa uyo akaenda kubepanhau reThe Manica Post svondo radarika achida kubuda pachena kuti baba vake vanonzi vakamubvisa humhandara apo vakamubata chibharo pamusoro peguva aine makore 12 ekuberekwa.

Baba ava vanonzi vakashandisa ropa remwanasikana wavo uyu muhushereketwa kuti aite munyama muupeyu hwake hwose wekusaroorwa.

Mudzimai uyu (zita tinaro asi tichamuchengetedza) ari kumukirana nababa vake avo vane makore 87 ekuzvarwa uye vanogara kuMurambi kwaMutare.

Anoti zvakare kune makuva maviri pamusuwo wemba yababa vake yekubikira kumusha kwavo kwaMukoyi kwaMutasa.

Mukadzi uyu anoti aiita Grade 4 apo baba vake vakamubhinya vari pamusoro peguva remumwe munhu.

Anoti izvi zvakaitika kechipiri mushure memakore matatu pamusoro perimwezve guva.

Mudzimai uyu anoti akazoenda kumapurisa achinomhan’ara kuti vauye kuzofukunura zvitunha zvevanhu vanonzi vakapondwa nababa vavo uye vakavigwa pamusha pavo kwaMukoyi.

Nekuda kweizvozvo, mapurisa achashanyira musha wevabereki vemudzimai uyu mukupera kwesvondo rino kunoferefeta kuti zviri kutaurwa nemudzimai uyu ndezvechokwadi here.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka vanotsinhira nyaya iyi vachiti mapurisa achashanyira musha uyu.

“Akauya kwatiri nenyaya yacho. Tinoda kubata chokwadi kuburikidza nekushanyira musha uyu. Zvitunha zvinoda kufukunurwa uye kana chiri chokwadi kuti vanhu vakavigwa ikoko, baba ava vanenge vaine nyaya yavanofanirwa kupindura,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Muhurukuro, mudzimai uyu anopomera baba vake mhosva yekuchengeta ropa ravakatora kubva kwaari makore 43 apfuura uye kurishandisa mukuromba.

Baba vari kupomerwa kubata chibharo mwanasikana wavo

Anoti mashiripiti ababa vake ndiwo akakonzeresa kuti wanano dzake dziparare.

“Ndakatadza kupinda murudo kana wanano kwenguva refu nekuda kwekutadza kwababa vangu. Baba vangu pavakandibata chibharo, ndakazosangana nemumwe murume ndikaita pamuviri. Izvi hazvina kumira zvakanaka kuna baba vangu uye vakaramba kutendera wanano yangu nemurume uyu vachiti ndaiva mukadzi wemumwe munhu.

“Vakandiudza kuti ndinofanira kupinda pabonde naivo chete kuti ndipedze zvishuwo zvezvidhoma zvavo,” anodaro.

Mudzimai uyu anoenderera mberi achiti, “Baba vakandishandisira mishonga ipapo. Vaichengeta kwemakore 43 apfuura.

Ndakatiza kubva kumusha uye ndainge ndiri kudzungaira nenyika kubva ipapo.

“Vakachengeta mishonga yavakashandisa pavakandibhinya uye izvi zvakatsinhirwa nemaporofita nen’anga dzatakabvunza pamusoro penhamo dzinotiwira semhuri.

“Vakatsinhirawo kuti handife ndakaroorwa kana kubudirira muupenyu chero baba vangu vachiri vapenyu.”

Hanzvadzi yemudzimai uyu (zita tinaro) anoti asati ave kunamata zvine simba, pose paaibvunza kumaporofita aiudzwa kuti baba vavo ndivo vaikonzera matambudziko kumhuri.

Zvisinei, anoti haasisiri kushungurudzwa nekushereketa kunonzi kunoitwa nababa vake sezvo ave kunamata.

“Ini handikwanise kutsinhira zviri kutaurwa nehanzvadzi yangu sezvo ndaive mudiki uye ndainge ndisingagari kumusha panguva iyi. Nyaya yechibharo iyi yainge yakachengetedzwa zvakasimba kuti isazivikanwa kana naani.

“Zvisinei, ndisati ndatsaurira upenyu hwangu kuna Mwari, ndaisangana nerushambwa rwakaipa nguva nenguva. Pandaitsvaga kubvunzira kune vemweya, vaingoti baba venyu ndivo vari kukonzera zvose. Minamato iri kubatsira kuputsa zvituko,” anodaro.

Pavakachairwa nhare nemunyori uno kuti vapewo divi ravo pamusoro penyaya iyi, baba vevaviri ava vakabva vatambidza runhare kune mumwe mwanakomana wavo (zita tinaro).

“Isu tiri kubva kumapurisa chaiko takaudzwa kuti tiri kuenda kuMukoyi Village kuti makuva kana aripo aonekwe nekufukunurwa.

“Hatina chatinoziva nezvemakuva epamba apa. Tinoda kuti musikana uyu atiratidze makuva aya kuitira kuti zvibude pachena kuti baba vangu havana mhosva here?” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey