‘Batsirai zvikoro zvamakadzidza’

10 Dec, 2015 - 17:12 0 Views
‘Batsirai zvikoro zvamakadzidza’ VaFriday Chisanyu

Kwayedza

VERUZHINJI vari kukurudzirwa kubatsira mubudiriro yezvikoro zvavakadzidza nenzira dzakasiyana sekupa mabhuku nedonzvo rekusimudzira dzidzo munyika.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera naVaFriday Chisanyu, avo vanove mutungamiriri wesangano rinomirira n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA) pachikoro cheChitindiva Primary School, kwaChundu, kuHurungwe apo vakapa mabhuku ekunyorera.

Chikoro ichi chakapihwa mabhuku aya pamwe nemayunifomu emitambo kuburikidza nesangano rinomirira vakambodzidzapo, reChitindiva Old Students Association.

VaChisanyu vakadzidza pachikoro ichi mugore ra1980.

“Ndinofara zvikuru kuti ndadzoka pachikoro chandakafunda ndichibatsirwa nemudzimai wangu kuti titsigire mabasa ebudiriro pano. Ndinoda kuva mucherechedzo kune vamwe vadzidzi vari pano, kuti kana vachinge vazopedza chikoro vayeuke kumatongo nekuti kune tsumo inoti natsa kwaunobva kwaunoenda husiku.

“Chikoro chino chakaparara zvikuru nokudaro chinoda rutsigiro rwakanyanya,” vanodaro VaChisanyu.

Vanoti pachikoro apa ndipo pavakatangisa kubudirwa nemudzimu vachizoita murapi wechivanhu rinova basa ravari kubata nanhasi uno.

Pazuva iri, Mambo Chundu VaAbel Mbasera, vakabva vasarudza VaChisanyu kuti vave sachigaro weChitindiva Old Students Association vachiteverwa naMai Loveness Muchaneta Govera vanove marketing manager kukambani yeNetOne.

Mai Govera vakabatsira vadzidzi vapachikoro ichi nemayunifomu enhabvu zvinova zvakayemurwa neveruzhinji.

Mai Govera vakati chishuwo chavo chekuti chikoro ichi chisimukire munyaya dzemitambo izvo zvakaita kuti vabatsire nemayunifomu aya.

“Ini hangu handina kufunda pano asi vanin’ina vangu ndipo pavakawanira fundo yavo. Ndinofarira nyaya dzemitambo saka kana ndikawana zvimwe ndicharamba ndichiuya tichibatsirana.

“Ndakupai zvakare mitsetse yeNetOne inodarika 30 kuti mugoverane sechikoro kubvira kuvadzidzisi nevamwe vanhu vamunharaunda kuitira kuti pave nekufambiswa kwemashoko kwakanaka sezvo vanhu vachigara kunzvimbo dziri kure nekure,” vanodaro.

Mai Nurse Dzomba vekuKaroi vakabatsirawo vana vanotambura nemayunifomu uye vakatsidza kuti vachavabhadharira mari dzechikoro kwegore rose.

Mukuru wechikoro ichi, VaKamupini Kamupini, vakatenda zvikuru rubatsiro urwu.

“Ndinokutendai nerudo rwamatiratidza uye rambai makadaro. Rubatsiro urwu rwauya panguva iyo tange takarwutarisira nemaziso matsvuku.

“Muchiona kudai, kuti chikoro chedu chaparara kubvira pazvivakwa zvasakara zvekuti vadzidzi vanotoita sekunge vachadonherwa nemudhuri. Dambudziko guru nderekuti vabereki vari muno havasi kutsigira chikoro chino. Havadi kubhadhara mari dzechikoro, ndiko kusaka tiri kuramba tichidzokera kumashure munyaya dzebudiriro,” vanodaro.

Vakatenda sangano reLeonard Cheshire Foundation nekutsigira kwariri kuita dzidzo yepachikoro apa zvichitevera kubatsira kwarakaita murairidzi wevana vakaremara uye nekuvakisa zvivakwa zvinoita kuti vana ava zvivaitire nyore mukudzidza.

Zvakadaro, munyaya dzemitambo vakati vadzidzi vepachikoro pavo vakakunda mumakwikwi ebasketball nekumhanya padanho repurovhinzi.

“Tine mabhindauko atinoita pachikoro pano akadai sekurima nekuchengeta zvipfuyo zvinova zvinotibatsira mukufambisa zvimwe zvirongwa.

“Vadzidzi vari pano inyanzvi mukuimba, kudetemba nekuita mitambo yemadhirama zvekuti kana vakawana rutsigiro vachasvika kure,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey