Batsiraiwo Owen

12 Dec, 2014 - 22:12 0 Views
Batsiraiwo Owen

Kwayedza

Ed3

OWEN Chidzombe

Sandy Musungata
MUMWE mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe, uyo ari mugore rekutanga achiita zvidzidzo zvekurapa (Medicine), ari kukumbira rubatsiro kuruzhinji rweZimbabwe, kana kune vemakambani, rwemari inosvika $1 200 pasemester yoga-yoga yekuti akwanise kuenderera mberi nefundo yake.

Owen Chidzombe anoti ashaya pekutangira nekuda kwedambudziko raakatarisana naro rekushaya mari yechikoro.

“Ndiri kutsvagawo mari yechikoro kuti ndikwanise kupedza zvidzidzo zvangu ndichibhadhara $1 200 pa‘semester’. Mari yekutanga ndakakwanisa kuzvibhadharira mushure mekunge ndambonodzidzisa asi imwe iri kudiwa kuti ndienderere mberi handina uye vabereki vangu havakwanisi kuiwana,” akadaro Chidzombe.

“Pamba pandinoroja muHarare panogara vana vechikoro saka ndakatanga kuita dambudziko remari ndikaudza varidzi vemba vakanzwisisa ndokunditi ndipote ndichigeza zvimbuzi nekunhonga marara ndichigara pachena.”

Anoti vabereki vake havana pekutangira nekuti vakapedza danga rose remombe vachimudzidzisa kubvira kupuraimari kusvikira kusekondari.

“Kutaura kuno hapana kwandinotarisira kuti vabereki vangu vangawane mari, varombo nekuti mombe dzese vakapedza kutengesa pandakaita Form 4 neA-Level saka zvakatondiomera. Ndakambozama kuenda kumapazi anoona nezvekubatsira nemari yechikoro asi kwakawanda kwacho vaiti vanobatsira nherera chete.

“Ndinoshuvira kuti kana paine anokwanisa kundibatsira andiyamurewo kana kuti vemakambani anoona nezveutano vanditore ndivashandire kana kuti ndizovashandira ndapedza chikoro vachibata mari yavanenge vandibatsira nayo,” akadaro.

Chidzombe paA-Level akanyora bvunzo yezvidzidzo zvinoti Chemistry, Physics neGeograhpy ndokubuda ne17 poinzi. Anoti anoshuvira kuzova chiremba uye nekuzobatsirawo vana vanenge vabudirira muzvidzidzo zvavo vachishaya mari dzekuenderera mberi nedzidzo.

Vanoda kumubatsira vanokwanisa kumubata panhare yake inoti 0739 605 010.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey