‘Bhadharai mari yechikoro kwete kumirira chikonzi’

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
‘Bhadharai mari yechikoro kwete kumirira chikonzi’

Kwayedza

VALERIO MUKOVA
Daphne Machiri

VABEREKI vanokurudzirwa kuti vabhadhare mari dzechikoro nenguva uye kuti vataurirane nevakuru vezvikoro kana paine matambudziko kwete kumirira kutumirwa zvikonzi sezvo zvimwe zvacho zvave kuita chikiribidi. Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nevakafanobata chigaro chaDeputy Director Secondary and Non-Formal Education mupurovhinzi yeHarare, VaValerio Mukova, apo vaitaura pamusangano wevakuru vezvikoro zviri muHigh Glen District.

“Vakuru vezvikoro tiri kuvakurudzira kuti vataurirane nevabereki panyaya dzekubhadhara mari dzechikoro uye zvikoro ngazvirege kushandisa ma’debt collectors’ (zvikonzi) zvekuti vabereki vabhadhare mari nekuti vamwe vacho vave kuita chitsotsi, vanopihwa mari nevabereki dzekutsika-tsika nyaya.

“Kana vabereki vachipedza gore vasina kubhadhara mari dzechikoro vaendesei kumatare edzimhosva kana vachinge vatadza kubhadhara sehurongwa hwamunenge makawirirana nekuti chikoro chinodawo kuramba chichifambira kubudikidza nemari dzinobhadharwa,” vakadaro VaMukova.

“Zvakakosha kuti vabereki vabhadhare mari dzechikoro nenguva nekuti mari idzi ndidzo dzinosimudzira zvikoro nekutengeswa midziyo inoshandiswa nevana yakaita semabhuku ekunyorera neekuverenga.”

Vakati vabereki vanofanira kupota vachienda kumisangano yezvikoro zvine vana vavo sezvo izvi zvichiita kuti vazive mafambiro anenge achiita zvinhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey