Bosso yorongera DeMbare

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Bosso yorongera DeMbare

Kwayedza

KUNOTSVA demo kuchisara mupinyu svondo rino kunhandare yeNational Sports Stadium musi weMugovera apo Dynamos FC neHighlanders FC zvichange zvichitatsurana mufainari yemutambo weTM Pick n Pay Challenge Cup.
Gore rino ndere kutanga mutambo uyu uchirongwa uye zvikwata zviviri izvi, izvo gore rapera zvakapedza zviri pamusoro peligi rePremier Soccer League, ndizvo zvakapihwa chiremerera chekukwikwidza mumutambo uyu apo chikakunda chichawana mari inosvika US$60 000.

Chikwata chichakundwa pamutambo uyu hachizobve ari mawoko chete nekuti chichawaniswawo US$50 000.
Mutambi weDeMbare, Ronald Chitiyo, anoti  chikwata chavo chine nhoroondo yakasimba yekuhwapura mikombe yakasiyana saka svondo rino chicharwa semvumba kuti chive chekutanga kusimudza mukombe uyu.

Achitaura svondo radarika kuMandava Stadium kuZvishavane apo Dynamos yakarakasha How Mine 2-0 ndokufambira mberi kupinda mufainari yeOne Wallet Cup, Chitiyo akati chikwata chavo chichaedza nepachinogona kuhwapura mikombe yese yavari kukwikwidza.

Rooney, sezita remadunhurirwa raChitiyo, anoti vakarwadziwa zvikuru masvondo adarika apo vakaburitswa mumutambo weChibuku Super Cup neBlack Rhinos saka vave kurwira kuti vakwanise kuhwina  mikombe yose yasara kutanga neweTM Pick n Save Challenge Cup.

“Mitambo yemikombe yakaoma zvikuru asi isu tinogara takagadzirira uye tichahwina svondo rino.

“Tinoda kuhwina mikombe yose yatiri kukwikwidza parizvino saka tiri kufara kuti tave mufainari yeOne Wallet Cup uye tinoda kusimudza mukombe weTM Pick n Pay Challenge Cup.

“Mukombe uyu mutsva munhabvu yemuno saka isu tinodawo chaizvo kunyora nhoroondo yekuve chikwata chekutanga kuuhwina,” akadaro Chitiyo.

Zvakadaro, murairidzi weBosso, Kelvin Kaindu, anoti DeMbare vakairongera rwendo rwuno.

Anoti fainari yemikombe yakasiyana uye yakaoma zvikuru asi svondo rino vari kutsvaga zano rekukunda DeMbare iyo yavatambudza kwemakore.

“Tiri kutsvaga nzira dzekuti tihwine mutambo uyu uyo watatarisana nawo.

“Iyi ifainari yakasiyana nemitambo yeligi.

Bosso ichange yakatarisira kune mutambi wayo Charles Sibanda uyo anove mumwe wembambo dzechikwata ichi.

Mumwe wevarongi vemutambo uyu,  Barry Munandi, anoti hurongwa huripo hwekuti mumakore anotevera zvikwata zvakawanda zvive zvinokwikwidza mumutambo uyu.

“Hurongwa huripo hwekuronga mutambo wakakura uye makore anotevera tichange tichidana zvimwe zvikwata kuti zvigouye kuzokwikwidza mumutambo uyu.

“Izvozvi zviviri chete zviri kukwikwidza, tichapinda muzvikwata zvina tozowedzera kusvika kuzvikwata 8 chaizvo,” akadaro Munandi.

Munandi anoti mapurisa achange achisecha munhu wese pakupinda munhandare yeNSS kuitira vamwe vanogona kupinda nezvinokuvadza.

“Tinoziva chaizvo kuti mutambo weDeMbare neBosso unowanzoita bongozozo asi isu takazvigadzirisa, tiri muhukuro nemapurisa eZRP kuti vauye kuzochengetedza mutambo uyu utambwe murunyararo.

“Hatidi mhirizhonga uye mapurisa aya achange achiongorora munhu wese achisecha kutsvaga kuona kuti hapana ari kupinda munhandare here nemabhodhoro ayo angazoshandiswa kutemana-temana,” akadaro Munandi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey