– Bumbiro idzva redzidzo –

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Vavariro yeshanu yedzidzo itsva

naChiremba—

DZIDZO itsva inovavarira kugadzirira mwana hwaro hweupenyu hwemabasa, kutungamira vamwe uye kushandira nyika.

Pavanodzidza hwaro hwezvemabasa muzvikoro, vana vanotarisirwa kudzidza kuzvibata, kuita chidakwadakwa chekuva vanhu vanobudirira mune zvose zvavanobata uye kuita mabasa avo pasina umbimbindoga, undyire kana kubiridzira vamwe. Semuenzaniso, vana vakadzidza kuchengeta huku dzemazai nedzenyama pachikoro pavo; pane vadzidzi vachatungamira vamwe uye vachatungamirwa.

Mapato evadzidzi mairi aya anodzidziswa mabatiro ekugona kutungamira vamwe uye maitiro anofanirwa kuitwa nevanotungamirwa. Izvi ndizvo zvinozosanganikwa nazvo muupenyu huri mberi kwemudzidzi.

Panochengetwa huku apa panoitwa majana ekupa huku kudya nemvura, kushambidza zvikwere nemamwewo mabasa. Naizvozvo, vanoita basa iri vanodzidzira kuita basa ravo nenguva yakawiriranwa uye sezvinotarisirwa. Apa vanenge vachitodzidza kuzvibata uye kuvimbika kune vamwe.

Panotengeswa mazai kana huku hapadi chitsotsi, umbavha uye kubiridzira vamwe. Saka vadzidzi vanogara vatoisa mumoyo, mupfungwa nemuropa ravo maitiro akanaka.

Pakudzidza kuzviriritira kuburikidza nemabhindauko akaita sekuchengeta huku, nhengo dzinogona kubatsira vanoshaya nekuvabhadharira mari dzechikoro, kuvatengera mabhuku kana mayunifomu. Kuita kwakadai kunounza mweya wekubatsirana uye kugarisana zvakanaka.

Mukudzidza kuzviriritira uku, vana vanodzidzazve kuve pachokwadi mune zvavanoita. Semuenzaniso, vakatanga kupfuya huku makumi mashanu, vanofanirwa kudzichengeta dzose pasina zvekuti panofa imwe kana mbiri zvisinganzwisisiki.

Kana achinge ari mazai ari kunongwa, hapafanirwe kuita mamwe anopota neseri kwechikwere kana kusara akanamira muruoko rwemunongi. Tadya todya tose, tashaya toshaya tose!

Vana vakakura vaine pfungwa dzakaswatuka semiranzi yezuva kudai vanenge vatopihwa hwaro hwekuzoshanda zvakanaka kana vakura.

Nhamo dzatiri kuona mumabasa nhasi uno dzakaita sekupinda basa nemusuwo wekuseri, kusada kushanda zvakanaka nevamwe, kubatana sezvikorobho pabasa uye kupakura hari vamwe vasingazivi dzinenge dzatemerwa muvhu.

Muchikamu chinotevera tichatarisa zvitatu zvakaita kuti dzidzo itsva izovepo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey