Bumbiro idzva redzidzo –

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Vavariro yepiri yedzidzo itsva naChiremba

VAVARIRO yepiri yedzidzo itsva kuumba mudzidzi anozonyatsoti kwane kwane muupenyu hwemba uye muupenyu hwebasa kwose kwaari. Chinangwa ndechekuti mudzidzi abude muchikoro aine zvaanokwanisa kuita nepfungwa, nemoyo uye nemaoko ake.

Anofanirwa kubuda muchikoro ave kufarira kushanda, kwete kuswera akagara pazambuko kana pabhawa. Semunyika muno, dzidzo itsva inovavarira kuumba vana mutambanebadza-unyope-taramba wevadzidzi.

Paupenyu hwemba, ndipo pane yese, sekuti vazhinji vanopedzisira vapindamo. Mumba munoda kubatirapamwe kuti upenyu huendeke. Saizvozvo, kubatirapamwe kunotangira muzvikoro, vana vachiita mapurojekiti kana zvimwewo muzvikwata.

Vave vabereki, kubatirapamwe kunoenderera mberi vanhu vachironga michato, vachichema hama, vachipura zviyo, vachikandirana mari kana kukomba chikari.

Kugona kunyengerera humwe hunyanzvi hunodikanwa muupenyu uye hunodzidziswa mwana mudzidzo itsva iyi.

Muupenyu hapaziri pose panoda chamanikidza kuti zvinhu zviite — pakawanda panoda kugona kutaura nevamwe kana kutsvetera kuti zvinhu zvifambe. Semuenzaniso, rume risingagoni kutsvetera hariroori, asina gejo akatadza kunyengerera anaro haarimirwi, ane dhonza rimwe anotsvetera ane mhou kuti vabatanidze gejo ririme, ane fodya anotsvetera ane pepa kuti mudzanga utsve uye munyai anochemedzana natezvara kuti roora rireruke.

Apinda mumba, munhu anoda basa rekuzviriritira, ringave rekushandira mumwe kana rekuzvishandira.

Asi zvakadaro, mabasa mazhinji anoda mukomberanwa wandambotaura uya kuti chiri kuitwa chibudirire. Semuenzaniso, panotengeswa fodya panoda kubatira pamwe kwevanhu vakawanda.

Panoda anotakura mabhero, anoayera huremu, anoavhura, anoisa fodya muzvikwata, anotenga fodya, anonyora mavhocha nevamwe vanoitawo zvimwe. Pasina mukomberanwa uyu, fodya haingatengeswe.

Nekune rimwe divi, vanoita mabasa akaita serandatsanangura iri vane nguva yavanoda kuita hurukuro dzemihoro neavo vanovabhadhara. Ipapa ndipo panodanwa vane mangoromera ekutaura nevanogona kutsvetera. Vanokura vachizvidzidza kuchikoro ndopavanodaidzwa vakadavira.

Unonzwa vodaidzira, “Huchi! Tipei tizvigadzirise.”

Panodzidziswa vadzidzi zvemba nezvemabasa izvi hazvina kuti musikana kana kuti mukomana, vose vanopakurirwa mugapu rimwe uye zvakaenzana. Kana chiri chidzidzo chekubika kana chekuvaka,  panenge pasina kuti ichi nechevakomana kana kuti vasikana.

Kana tikaumba mubereki wemangwana ane zivo nechiremera chakadai . . . tozodeizve? Tinenge tatopinda, tave vanhu, zvave zvinhu!

Muchikamu chinotevera tichatarisa vavariro yedzidzo itsva yechitatu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey