Chemhondoro High yotsvunha

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Chemhondoro High yotsvunha

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
CHIKORO cheChemhondoro High School, icho chiri kwaMurehwa, chodadisa nekuva nevana vanotsvunha mumazamanishoni pamwe nekubudirira mumitambo yakasiyana.

Izvi zvaita kuti chikoro ichi chive pakati pezvikoro zviri pamusoro munyaya dzefundo mudunhu reMashonaland East.

Mukuru wechikoro ichi, VaTendayi Madyauta, vanoti vanonzwa manyuku-nyuku nekubudirira kuri kuita vana vavo.

“Panyaya yedzidzo, tinowanikwa tiri pakati pezvikoro zvisere zvepamusoro mukugona muchikoro nemumitambo. Munyika yose mumakwikwi tiri kuwanikwawo tirimo, zvakaita sekuhandball, volley ball nezvimwe,” vanodaro.

Vanoti padzidzo, vanokwikwidzana nezvikoro zvemabhodhingi zvinosanganisira St Pauls Musami neNhowe Mission kuMashonaland East.

Vana veA-Level vepachikoro ichi vari kubudirira zvikuru.

Mugore ra2011, vakanyora bvunzo dzeA-Level vakapasa nechikamu che92%, 2012 (94%), 2013 (95%), 2014 (96%), 2015 (94%) uye gore rapera vakapasa nechikamu che98,5%.

PaO-Level, vana vepachikoro ichi vanonzi vari kubudirira mubvunzo dzavo zviri pakati nepakati.

Chikoro ichi chinonziwo chiri pamusoro munyaya yenhaurirano (public debate) sezvo vana vepo vachikwikwidza kusvika padanho rekupurovhinzi pamwe nenyika yose.

“Vana vanotorwa pano hakuna anonzi idofo, kune vanouya vaine ma18 Units paGrade 7 asi vachizobuda zvakanaka paForm 4 neA-Level,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey