Chikoro chakapihwa $1 000

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

VERUZHINJI vanokurudzirwa kusimudzira zvikoro zvavakadzidza, kunyanya muzvidzidzo zvesainzi.

Mashoko aya akataurwa nemukuru weChegutu Secondary School, VaLovemore Mathias Kabade, nguva pfupi yadarika apo vaitenda rubatsiro rwe$1 000 yakapihwa kuchikoro chavo naDr Takudzwa Mutsanga (28), avo vanove chamangwiza weQueen Mary Bio Tech Laboratory Medical Institute.

Mari iyi ndeyekusimudzira zvidzidzo zvesainzi uye Dr Mutsanga vakadzidza pachikoro ichi.

“Izvi zvakatikoshera, mukomana uyu (Dr Mutsanga) akadzidza pachikoro chino saka zvinofadza kuti adzoka kuzosimudzira chikoro chake nedonzvo rekuvandudza dzidzo.

“Mari yapihwa pano $1 000 ndeyekuvanduza dzimba dzinodzidzirwa zvidzidzo zvesainzi nezvimwe zvinodiwa kunge zviri muScience Laboratory,” vanodaro VaKabade.

Dr Mutsanga vanoti gore ravakadzidza paChegutu Secondary School paiva pasina zvidzidzo zvesainzi.

“Ndakadzidza pano gore ra2003, paiva pasati pave nezvidzidzo zvesainzi padanho reA-Level zvinova zvakaita kuti ndiende kune chimwe chikoro naizvozvo ndadzoka kuzobatsira chikoro changu. Zvakare ndinoda kukurudzira vana vechikoro kukosha kwemabasa akaita savanachiremba, maengineer nevanogadzira mishonga nezvimwe zvinoda kuti unge wakaita zvidzidzo zvesainzi zvinova zvinosimudzira nyika,” vanodaro Dr Mutsanga.

Vanoti donzvo ravo nderekusimudzira zvidzidzo zvesainzi kuzvikoro zvakasiyana munyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey