Chikoro chakapihwa mabhuku ekuverenga

06 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

SANGANO reFriends of The Environment (FOTE), iro riri pasi peNyaradzo Group, svondo rapera rakabatana neveLions Club mukupa mabhuku 200 ekuverenga kuchikoro cheNyamuseve Secondary School, kuGuruve.

Mabhuku aya akapihwa pasi pedingindira rinoti “Kuverenga mabhuku ngaive tsika.”

Vachitaura pachiitiko ichi, mumiriri weGuruve North mudare reNational Assembly, Retired Brigadier-General Walter Kanhanga, vakati vana vechikoro vanofanira kukoshesa dzidzo sezvo iri iyo nhaka yeupenyu.

“Ndinotenda zvikuru veFOTE, vakabatana neLions Club, nekupa kwavaita chikoro ichi mabhuku nekuti ndihwo hwaro hweruzivo rwemunhu wose. Kuverenga ndiko kunoita kuti munhu azive uye kunovhura vana vechikoro pfungwa chero nevanhu vakuru.

“Ndinokurudzira vana vechikoro kuti vatore mukana wemabhuku avapihwa aya kuverenga kuti vave neruzivo rwakakwana kuitira kuti chero pavanozosangana nebvunzo zvivaitire nyore. Vana vechikoro vanofanirawo kushandisa mabhuku aya zvakanaka kuitira nevachazoteverawo kumashure kwavo,” vakadaro.

Mukuru weLions Club Harare West, VaTofara Nyamwena, vakatsinhira mashoko aya vachiti vana vechikoro vanofanira kufarira tsika yekuverenga mabhuku.

“Hukama hwedu nevana vepano pachikoro huchasimbaradzwa nekuverenga kwavo mabhuku. Izvi ndizvo zvoga zvinotikwezva kuti tirambe tichida kupa rubatsiro kuchikoro chino. Tine tarisiro yekuunza chero mamwe mabhuku kana vana vepano vakaratidza chido nemabhuku,” vakadaro VaNyamwena. Vachitaura vakamiririra FOTE, VaAugustine Mukaro, vakati chinangwa chavo ndechekuti vadzidzi vave neruzivo kuburikidza nekuverenga mabhuku.

“Hukama hwedu neveruzhinji, tiri pasi peNyaradzo, hausi hwekungoviga vanhu chete, tiripowo kusimudzira kugara zvakanaka kwevanhu pamwe nekuvandudza upenyu hwavo kuburikidza nezvirongwa zvakaita seizvozvi zvekubatsira vana vechikoro. Mabhuku ndiyo imwe yenzira dzatinoona kuti dzinovandudza upenyu hwakanaka kuvanhu, kunyanya kuvana vechikoro,” vakadaro.

Education inspector weGuruve District, VaAndrew Chiweya, vakatenda rubatsiro rwemabhuku ekuverenga urwu.

“Ndinokurudzira vana vechikoro pamwe nevabereki kuti vatore kuverengwa kwemabhuku setsika nemagariro edu. Vabereki ngavakurudzire vana kuverenga mabhuku. Kuuya kwaita mabhuku aya chava chitsvambe kuvana vechikoro kuti vaverenge zvipinde mumusoro nekuti chapinda mumusoro chava chako, hakuna achachitora.

“Ndiri kuona vana vazhinji vamazuva ano vakanganiswa nemafoni zvekuti nguva yekuverenga yava shoma. Asi ndinoti tsika yekuverenga mabhuku ngaidzokere muzvikoro sezvaivako kare. Bhuku inhaka yemunhu wose uye kuverenga nesimba kunounza pundutso pamberi,” vakadaro.

Mambo Chipuriro, VaClever Mashiki-Chipuriro, vakati vabereki vanofanira kukoshesa dzidzo yevana vavo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey