Chirongwa chekupfuya mombe chobudirira paGwebi

30 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Chirongwa chekupfuya mombe chobudirira paGwebi VaKudakwashe Mafunga (vari pakati) vachitaura nevarimi kuGwebi Agricultural College nguva pfupi yadarika

Kwayedza

CHIRONGWA chekupfuya mombe pakoreji inodzidzisa zvekurima yeGwebi Agricultural College, kuMashonaland East chiri kubudirira zvikuru uye varimi vemudunhu iri nevamwe vanobva kwakasiyana vari kubatsirikana nezvidzidzo zvekuvandudza machengeterwo akanaka ezvipfuyo.

VaKudakwashe Mafunga avo vanove murairidzi kuchikamu chezvezvipfuyo cheAnimal Production vanoti parizvino mombe dzavo dzave 240 kubva pa212 idzo dzavaipfuya gore rapera.

Mombe dziri kuchengetwa nevadzidzi ava dzinosanganisira dzemhando yeMashona neTuli.

“Tinonzwa manyuku-nyuku nekuti mombe dzedu dziri kuramba dzichiwanda uye zvirwere zvishoma zviri kudzibata. Izvi zvinoratidza kuti vadzidzi vedu vezvekurima vari kugona basa, kwete kugona kunyora nekuverenga chete asi nekuchengeta mombe dzacho,” vakadaro.

Vanoti kune vagari vamudunhu iri nevamwe vanobva kwakasiyana vanouya kuzodzidziswawo machengeterwo akanaka ezvipfuyo.

“Tine vanhu vanobva kumatunhu akasiyana vanouyawo kuzofundiswa maringe nenyaya dzekurimwa nekuchengeta zvipfuyo zvakaita semombe tichivabhadharisa zvichienderana nemazuva kana mwedzi yavanenge vachiuya kuzofunda pano nekuti tinenge tichivapa zvese zvekudya nepekugara. Takaona riri danho rakanaka rinobatsira mukuvandudza nyaya dzekurima nekuti vanozoendawo vachinofundisa vamwe kunharaunda dzavanogara,” vakadaro VaMafunga.

Vanoti mombe dzavanochengeta kana dzikaurayiwa dzinopa nyama yakawanda yemhando yepamusoro iyo inokwikwidzana neimwe pamusika.

“Mashona nemusanganiswa weTuli zvinopa nyama yakawanda uye inonaka inova inokwikwidza kumisika mikuru. Zvakare, mhando dzemombe idzi dzinotirira kuzvirwere nekuti tiri kudzichengetera kumatunhu ane mamiriro ekunze anoenderana nadzo zvisinei nekuti dzinonoka hadzo kukura,” vakadaro.

Zvisinei, vakachema-chema nedambudziko rekupiswa kwemasango zvisina tsarukano vachiti kuri kuparadza hufuro.

“Mombe dzedu hadzina kudya kwakakwana nekuti nzvimbo zhinji idzo taiti ndiwo mafuro edu dzakapera kuparadzwa nemoto wemasango. Zvakare zvirwere zvezvikwekwe (tick- borne) ndizvo zvimwe zviri kutambudza mombe dzedu,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey