Chirwere chetungundu chorwiswa

08 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Chirwere chetungundu chorwiswa

Kwayedza

anthraxHURUMENDE yakapa US$30 000 yekuti mombe dzinge dzichibaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere chetungundu (anthrax) kuFilabusi, kudunhu reMatabeleland.

Mukuru kuchikamu cheDepartment of Veterinary Services, Dr Josphat Nyika, vanoti mari iyi ichashandiswa mukudzivirira nekurapa zvipfuyo munzvimbo dzine chirwere ichi.

Dr Nyika vanoti varimi vari munharaunda iyi vari kukurudzirwa kuti vange vachideredza huwandu hwemombe dzavo kuburikidza nekudzitengesa kuitira kuti vakwanise kudzitengera chikafu, mishonga nezvimwe zvinodiwa.

Nyanzvi dzinoona nezvezvipfuyo pamwe nebazi rezveutano mudunhu iri dziri kuongorora masaraha kuti vaone kuti hakuna vanhu vari kuuraya zvipfuyo zvinenge zvabaiwa majekiseni.

“Tiri kukurudzira varimi kuti vasavhiye mombe dzinenge dzangofa dzega senzira yekuderedza kuparadzirwa kweutachiona hwechirwere chetungundu mumafuro,” vakadaro.

Chirwere chetungundu, vanodaro Dr Nyika, chinonyanya kuketeshera munguva yekunaya kwemvura apo ivhu rinoyeredzwa nemvura.

Dr Nyika vanoti chirwere chetungundu chinotambudza mhuka dzine ropa rinodziya kusanganisira vanhu.

Vakakurudzira varimi kuti vapise uye kufushira mitumbi yemombe dzinenge dzafa nechirwere ichi kuitira kuti chisapararire.

Dr Nyika vakayambira zvakare varimi kuti vazivise nyanzvi dzinoona nezvezvipfuyo kuitira kuti vange vachibatsirwa mukufushira mitumbi yemombe dzinenge dzafa nechirwere ichi nenzira dzisina njodzi.

Vanhu vanotapurirwa chirwere ichi apo vanobata zvipfuyo zvavo zvinenge zviine utachiona uhu kana kuti kudya nyama yezvipfuyo zvinenge zviine chirwere chetungundu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey