Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Roora imari kana mombe dzinobviswa nemurume kuvabereki vemusikana kuti musikana iyeye ave mudzimai wake. Roora rine mamwe mazita. Tipewo mamwe mazita iwayo.
1. Danga
2. Pfuma
3. Badza
* * *
ZVAKABVA KUVANA:
Simbarashe wekuMabvuku, muHarare anopedzisa tsumo achiti:
1. Dzekumusana
2. Mapfihwa
3. Muranda
4. Mai
5. Dzinonzwa.
* * *
Tsumo:
1. Kutaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana
2. Kudada kwevari mugomo kukumbira mapfihwa kune vari pasi
3. Mwana washe muranda kumwe
4. Kupembera n’anga neinobata mai.
5. Kure kwemeso nzeve dzinonzwa. – 0783 896 936.
1. Dzekumusana
2. Mapfihwa
3. Muranda
4. Mai
5. Dzinonzwa
* * *
Prosper Kambeni anobvunza kuti:
Sei mapatya aiuraiwa kare? – 0773 926 624.
* * *
Nollen Mumbau wemuHarare ndokubvunza kuti:
Mwana wegakanje nezongororo zvinonzi chii?
* * *
Kabroom wekwaMutoko anozoti:
1. Mugoni wepwere ndiye asinayo
2. Dai ndakaziva haitungamirire
3. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi
4. Gunguwo rakapona neruvara
5. Mapudzi anowira kusina hari. – .
* * *
Uyu asina kuisa zita rake ndokuti:
1. Dzekumusana.
2. Mapfihwa
3. Muranda
4. Mai
5. Dzinonzwa. – 0774 724 272.
* * *
Charlene Mugwagwa wemuHarare akati:
1. Dzekumusana
2. Mapfihwa
3. Muranda
4. Mai.
5. Dzinonzwa
1. Mudonzvo
2. Imvi
3. Nhoko
4. Mukombe
5. Rwodzi
6. Dendere
7. Pfonda
8. Rinda
* * *
Uyuzve haana kuisa zita rake:
1. Kutaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana
2. Mwana washe muranda kumwe
3. Kupemberera n’anga neinobata amai.
4. Kure kwemeso nzeve dzinonzwa. – 0717 989 923.
* * *
Zvose neuyu akangopa mhinduro dzetsumo:
1. Kutaurrirwa hunyimwa mbare dzekumusana.
2. Kudada kwevari mugomo kukumbira mapfihwa vari pasi
3. Mwana washe muranda kumwe
4. Kupemberera n’anga neinobata mai
5. Kure kwemeso nzveve dzinonzwa. – 0771 103 412.
* * *
Mumwewo uyu haana kunyora zita rake:
1. Ndiye asinaye
2. Haitungamire
3. Haurungwi
4. Nehwakukwaku
5. Kusina hari. – 0771 662 947.
* * *
Asi Pfachapfacha wekuKaroi anoti:
1. Kutaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana
2. Kudada kwevari mugomo kukumbira mapfihwa vari pasi
3. Mwana washe muranda kumwe
4. Kupemberera n’anga neinobata amai
5. Kure kwemeso nzeve dzinonzwa.
* * *
Courage Chipanera anodzidza paChikangwe Primary, kuKaroi anobvunza kuti:Mwana wezizi anonzi chii?
* * *
Tinovimbanashe Ngwaru (haana kutaura chikoro chake) anoti:
Mamwe mazita eroora ndeanoti ndiro, rusambo, gusvi, vhuramuromo, matekenya ndebvu, mapfukudza dumbu, zvaamai sembatya uye mombe nembudzi nezvababa semombe nemajasi.
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Mazwi anopesana
ChiShona mutauro une mamwe mazwi anopesana anoshandisa izwi racho ragara riripo kugadzira izwi rinopesana. Izvi zvinonyanya kuitwa nezviito kuti zvigadzire zviito zvinopesana nezwi ragara riripo. Semuenzaniso:
1. Ziya. Kuziya nenzara, kurezuka nenzara. Kana munhu anga aziya nenzara akapihwa zvekudya anenge aziyinurwa.
2. Kuroya – kuroyonora
Iwe chitipawo mazwi anopesana neari pasi aya:
a. Kusunga –
b. Kurapa –
c. Kuwarira –
d. Kupfirira –
e. Mona –
f. Turika –
* * *
Mhinduro svondo rinouya.