CHISHONA CHAKANAKA

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Tipewo izwi rakakodzera.
1. Chirimwa chinenge mhunga, asi icho gunhi kana kuti dzinde racho rinotapira uye chinomenywa pakudyiwa. — ipwa/gunde
2. Kapembenene kane mapapiro machena uye kanobhururuka kana mvura yanaya. Kanodyiwa kana kakangwa. —ishwa
3. Kapembenene kakada kufanana neishwa asi iko kari kadiki uye kasingadyiwe. — jurumbwa/guruhumbwe/guruumbwa
4. Chidende chine mubato chinoshandiswa kuchera mvura kana hwahwa kana mahewu. — mukombe
5. Humbanana kamwana kemhuka ipi? — nguruve/humba
* * *
ZVAKABVA KUVANA:
Jonathan, Dema, Seke — Tsumo: 1. Takabva neko kumhunga hakuna ipwa; 2. Mwana washe muranda kunwe; 3. Gengezha mukombe hazvienzane nekunwira mugapu; 4. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasvipa; 5. Chakapfukidza dzimba matenga
* * *
Simbarashe Mukaro — 1. Takabva nako kumhunga hauna ipwa; 2. Mwana washe muranda kumwe.
* * *
0777 680 718 — 1. hakunapwa; 2. kumwe; 3. nekunwira mudemhe; 4. kwasviba; 5. matenga
* * *
0782 676 299 — 1. ipwa; 2. kumwe; 3. neasina; 4. kwasviba; 5. matenga
* * *
Sheilla Laiton, Gweru — 1. ipwa; 2. kumwe; 3. nekumwira; 4. kwasviba; 5. matenga
* * *
0772 972 956 — 1. Takabva neko kumhunga hakuna ipwa; 2. Mwana washe muranda kumwe; 3. Gengezha mukombe hazvienzane nekunwira mushizha; 4. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba; 5. Chakafukidza dzimba matenga
* * *
Luzha, Triangle — 1. ipwa; 2. muranda kumwe; 3. nekunwira mudemhe; 4. kwasviba; 5. matenga
* * *
Deon Ngwaru — 1. ipwa; 2. kumwe; 3. neasina; 4. kwasviba; 5. matenga
* * *
Takudzwa Maula, Grade 4, Rota Primary School, Murehwa — 1. ipwa; 2. ishwa;
Endai KuPeji 16

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey