CHISHONA CHAKANAKA

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

Zvakanyorwa nevana:

Christine Mangena anodzidza paMbuyanehanda High School, kuMberengwa akabvunza kuti:

Mwana anouiwa naye nemukadzi paanowanikwa nemumwe murume anonzi mubvandiripo. Ko anenge awanikwa ane murume pamba ipapo anonzi chii? (Vaverengi pindirai, batsirai Christine.)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO

Mavara ari kuruboshwe akakanyaniswa aya anovaka mazwi anoreva chinhu. Iwe uchishandisa rubatsiro rwemazwi anotsanangura chinhu chiri kudiwa akapihwa kurudyi, ronga mavara akakanyaniswa aya kuti areve chinhu.

Semuenzaniso:

1. apyuf – rera mhuka kana shiri pamba (pfuya)

2. mruibo – hunonama uye hunoteyeswa shiri (urimbo)

Chinyorwa 1

1. hcirgui – chinosara panenge patonongorwa chibage

2. ann’ay – mwana weshiri

3. dinar – mwedzi wekutangisa gore

4. vziat – mwedzi wekugumisira mugore

5. rabarava – musoro wakagerwa vhudzi rese

* * *

Mhinduro muKwayedza svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey