Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
Zvakanyorwa nevana:
Christine Mangena anodzidza paMbuyanehanda High School, kuMberengwa akabvunza kuti:
Mwana anouiwa naye nemukadzi paanowanikwa nemumwe murume anonzi mubvandiripo. Ko anenge awanikwa ane murume pamba ipapo anonzi chii? (Vaverengi pindirai, batsirai Christine.)
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO
Mavara ari kuruboshwe akakanyaniswa aya anovaka mazwi anoreva chinhu. Iwe uchishandisa rubatsiro rwemazwi anotsanangura chinhu chiri kudiwa akapihwa kurudyi, ronga mavara akakanyaniswa aya kuti areve chinhu.
Semuenzaniso:
1. apyuf – rera mhuka kana shiri pamba (pfuya)
2. mruibo – hunonama uye hunoteyeswa shiri (urimbo)
Chinyorwa 1
1. hcirgui – chinosara panenge patonongorwa chibage
2. ann’ay – mwana weshiri
3. dinar – mwedzi wekutangisa gore
4. vziat – mwedzi wekugumisira mugore
5. rabarava – musoro wakagerwa vhudzi rese
* * *
Mhinduro muKwayedza svondo rinouya.