CHISHONA CHAKANAKA

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Pane tupuka twakawanda twunogara muvhu. Tumwe twacho twakatozoita kuti paitwe tsumo sedzekuti: 1. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara. 2. Mbeva zhinji hadzina mashe. Tiudze tupuka twaunoziva twunoberekera vana vatwo muvhu uye twuchigara muvhu.

1. Mbeva
2. Makurwe
3. Nhuta
4. Nyoka (kwete dzose)
5. Mazongororo
6. Matatya
7. Ishwa
8. Ndororo
9. Tsambarafuta
10. Makonyi (kwete ose)
11. Masvosve
* * *
ZVAKANYORWA NEVANA:
Makadini? Ndibatsireiwo pamibvunzo iyi:
1. Gudo gadzi rinonzii? (gonyo)
2. Murume akafirwa nemukadzi anonzii? – 0772 941 973.
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Nderipi izwi rakakodzera:

1. Akanokora ———– yemaputi akandipa
a. tsama, b. svinga c. mbudu d. gasva

2. Sekuru vaiputa ———– wefodya
a. mwanda b. murwi c. mudzanga d. chimuti

3. Mwana aba ———– rose renyama
a. mudzonga b. nhindi c. poto d. gapu

4. Mwana achangorumurwa anonzi ———–
a. gavamwedzi b. ndumurwa c. rusvava d. chimwana

5. Murume adarikidza zera rekuroora anonzi ———–
a. Shasha b. bhachura c. mashura d. tsvimborume
* * *
Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey