Kwayedza
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Tsvaga izwi rinoreva zvakafanana neriri kuruboshwe kubva kune ari kurudyi.
Makodo (Mapfupa)
Mbambaira (Mabura)
Makudo (Mapfeni)
Ingwe (Mbada)
Sango (Gwindingwi)
Shasha (Nyanzvi)
Edza (Zama)
Manyepo (Nhema)
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Zadzisa makashama nemazwi akakodzera pane ari pazasi: Zuva richiti . . . Shumba achiti . . . paakanga asiya akaviga nyama yake. Akawana pakarara kagava kaitoridza zvako . . . Shumba . . . nehasha, achibva ati kagava kaye . . . nemuhuro. Akabva ati, “Kutodya zvako nyama yangu, worega kutiza. Nhasi pako . . .”
Kagava kaye kakatanga . . . kunge tsanga iri mumvura. Shumba akabva akati . . . zimbama rinodzura nenyama. Kagava kaye kakabva kati . . . muvhu. Shumba akashama muromo waive nemazino anenge . . . kuti akarume. Asi kagava kaye kakabva . . . mavhu mukanwa maShumba, kachibva kati . . . ndibereke.
ngonono, vhuu, pfacha, akavira, tsoka, pakuperera, kudedera, kwicho, watsu, mapfumo, kamwaya, mvorokosho,
* * *
Mhinduro svondo rinouya.