CHISHONA CHAKANAKA

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Tsvaga izwi rinoreva zvakafanana neriri kuruboshwe kubva kune ari kurudyi.

Makodo (Mapfupa)

Mbambaira (Mabura)

Makudo (Mapfeni)

Ingwe (Mbada)

Sango (Gwindingwi)

Shasha (Nyanzvi)

Edza (Zama)

Manyepo (Nhema)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Zadzisa makashama nemazwi akakodzera pane ari pazasi: Zuva richiti . . . Shumba achiti . . . paakanga asiya akaviga nyama yake. Akawana pakarara kagava kaitoridza zvako . . . Shumba . . . nehasha, achibva ati kagava kaye . . . nemuhuro. Akabva ati, “Kutodya zvako nyama yangu, worega kutiza. Nhasi pako . . .”

Kagava kaye kakatanga . . . kunge tsanga iri mumvura. Shumba akabva akati . . . zimbama rinodzura nenyama. Kagava kaye kakabva kati . . . muvhu. Shumba akashama muromo waive nemazino anenge . . . kuti akarume. Asi kagava kaye kakabva . . . mavhu mukanwa maShumba, kachibva kati . . . ndibereke.

ngonono, vhuu, pfacha, akavira, tsoka, pakuperera, kudedera, kwicho, watsu, mapfumo, kamwaya, mvorokosho,

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey