CHISHONA CHAKANAKA

11 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Ichokwadi here kana kuti inhema?

1. Mwana ari mudumbu haanzwe. (inhema)

2. Kuti twasa zvimwe chete nekururama. (ichokwadi)

3. Rimwe zita rerukukwe ndirupasa. (ichokwadi)

4. Mamwe manhanga haana mhodzi. (inhema)

5. Kukanyaira zvinoreva kufamba uchizvida. (ichokwadi)

6. Chingwa chinoda mbiriso kuti chikukumuke. (ichokwadi)

7. Shiri inonzi hwata inodya nyoka. (ichokwadi)

8. Dahwa imhando yemuti. (inhema)

9. Tagutapadare imhando yechipembenene. (ichokwadi)

10. Chipfukuto chinogara mumvura. (inhema)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Pedzisa tsumo idzi:

1. Mugoni wepwere . . .

2. Muzivi wenzira yeparuware . . .

3. Manomano echakata kutsvukira mumuti hunzi . . .

4. Yatsika dope . . .

5. Chembere mukadzi . . .

6. Tsapata rukukwe . . .

7. Gengezha mukombe . . .

8. Aive madziva . . .

9. Gunguwo rakapona . . .

10. Gunguwo zvarakatya . . .

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey