Chitunha chanhongwa chakavedzengwa

14 Dec, 2022 - 17:12 0 Views
Chitunha chanhongwa chakavedzengwa Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaSabhuku Zinyuke kudunhu raNambo Nhema, kuShurugwi, anonzi akapondwa, mutumbi wake ndokuzowanikwa usina kupfeka uye wakabviswa dzimwe nhengo.

Tapfumaneyi Muzah (30) ndiye akawanikwa akapondwa mutumbi wake wakakandwa mugoronga uye dzimwe nhengo dzakabviswa.

Gumbo rake rekuruboshwe rainge rakavedzengwa zvekubviswa nyama yose kusvika pabvupa.

Inspector Emmanuel Mahoko, vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, vanoti vanoda nguva yekuronda zvizere nyaya iyi.

“Tinoda kutanga tatsvaga zvizere nekuda kwemafambiro akaita nyaya iyi tozokupai mashoko azere,” vanodaro Insp Mahoko.

VaTarusarira Muzah (38), avo vanova mukoma wemushakabvu, vanoti vakavhundutswa zvakanyanya nefiro yemunin’ina wake.

“Tine kuvhunduka kukuru nekutya semhuri yekwaMuzah nekupondwa kwakaitwa munin’ina wangu, Tapfumaneyi Muzah. Akabva kumba nemusi wa26 Mbudzi achienda kunonwa doro kunzvimbo yemabhizimisi yeDombwe asi haana kuzodzoka kusvikira isu semhuri takazoziviswa nemusi wa27 Mbudzi kuti hama yedu aiva awanikwa akapondwa, mutumbi wake wakakandwa mugoronga,” vanodaro VaMuzah.

Vanoti vakashevedzwa kuma7 dzemangwanani nemusi wa27 Mbudzi ndokuenda vakanoona mutumbi wehama yavo usina rurimi nenhengo dzesikarudzi.

Tarusarira Muzah

Gumbo rake rekuruboshwe raiva kakabviswa nyama yose, zvose neganda racho, kubva kuchitsitsinho kusvika kuchidya.

“Takawana mutumbi wake usina rurimi nenhengo dzakavandika. Mapurisa akazotanga kuferefeta nyaya iyi, mutumbi ukaendeswa kuchipatara kunoongororwa. Takazotora mutumbi wehama yedu tikauviga nemusi wa3 Zvita usina nhengo dzakakwana kudaro.

“Chivimbo chedu ndechekuti vanhu vakaponda hama yedu vachasungwa vagoenda kumatare edzimhosva kunosangana nemitongo yavo,” vanodaro VaMuzah.

Vanoti mufi uyu asiya mudzimai nemwana mumwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey