Chivhimaushe ihonzeri

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
5. Ndiani waungati ihonzeri yematambudziko ari muna Pfuma Ndeyamaoko? Tsigira uchijekesa kuti aive matambudziko nenzira dzipi. [25]

Ndinoti Ishe Chivhimaushe ndivo honzeri yematambudziko anowira vamwe vatambi nekuti vanorambidza nhapwa kuti dzinwe mvura. Zvinobuda pavanenge vachibva nenhapwa dzavaive vatapa kwaShe Marwei vachienda nadzo kudunhu ravo. Vanokarira mauto avo kuti arove nhapwa dzaida kunwa mvura yemurwizi rwunonzi Donhodzo zvinoita kuti dzizofizuka nenyota.

Chinoitwa naShe Chivhimaushe kupamba dunhu raShe Marwei. Izvi tinozviona pavanoenda nemauto avo kuhondo yekupambwa kwaShe Marwei ndokusiya vaparadza dunhu raShe Marwei nemoto pamwe nekuuraya varwi vavo vehondo. Izvi zvinokonzera matambudziko ehushirikadzi kuna VaChinhamo vanourairwa murume wavo, VaZvauyanepi nevarwi vaShe Chivhimaushe pahondo iyi.

Ishe Chivhimaushe vanoita kuti nhapwa dzivharirwe mubako. Zvinoonekwa manheru ezuva ravabva nenhapwa kwaShe Marwei. Mushure memusangano mudiki wavanoitira pamuzinda wavo, vanotuma VaMabvura kuti vavharire nhapwa dzese mubako raive pamuzinda. Izvi zvinoita kuti nhapwa dziwirwe nematambudziko ekutadza kufema zvakanaka nekunhuwirwa nemweya waive mubako umu uye kudhumana misoro kusvika yazvimba.

Ishe Chivhimaushe vanorovesa nhapwa dzekwaShe Marwei nemauto avo. Izvi zvinojekeswa pavanenge vachibva kwaShe Marwei nenhapwa dzavakanga vatapa vachienda nadzo kudunhu ravo. Vanokurudzira varwi vavo kuti varove nhapwa dzese dzavaive nadzo dzaida kunwa mvura murwizi Donhodzo. Izvi zvinoita kuti nhapwa dzizotanga kurohwa nezvamboko kumisana nevarwi vavo.

Ishe Chivhimaushe vanosarudza Kufahakupere kuti anovabatsira kupamba pfuma kwaShe Chakandida. Izvi zvinobuda pavanokokorodza mauto avo vachienda nawo kunopamba pfuma yaShe Chakandida yaisanganisa zvipfuyo. Izvi zvinoita kuti Kufakunesu azofirwa nemunin’ina wake, Kufahakupere mushure mekunge auraiwa neuto raShe Chakandida vachirwisana pahondo iyi.

6. Tsanangura zvinhu zvisere zviri muna Pfuma Ndeyamaoko zvinojekesa kutendeseka kwerungano urwu. [25]

Kutendeseka kwerungano kuratidzika kwarwo kuti nderwechokwadi zvichienderana neupenyu hunoraramwa nevanhu.

Chinotendeseka murungano itsika yeutapwa. Izvi tinozviona zvichiitwa naShe Chivhimaushe vanoenda kunotapa vanhu vaigara mudunhu raShe Marwei ndokubvako vaine nhapwa zhinji kwazvo dzaitinhwa nevarwi vavo. Dzimwe nhapwa idzi dzakazonovabatsira kufudza mombe kumusha kwavo sezvaiitwa naKufakunesu naKufahakupere.

Kuti munhu anetseke nembereko kunotendeseka. Zvinoonekwa pana Tsitsi, mudzimai waKufakunesu akanga atora makore aipfuura gumi asati ave nemwana zvinove zvaigara zvichimushungurudza.

Kuita barika kunotendeseka. Zvinojekeswa naShe Chivhimaushe vakanga vaine barika rine madzimai akawandisa zvikuru aisanganisa mamwe avaitapa saVaChinhamo. VaMabvura vanobvunza Kufakunesu paanenge achiedza kuvarondedzera nezvaamai vake vainge vaitwa mudzimai naShe Chivhimaushe vachiti ainyatsotaura vapi chaivo sezvo ishe vaive nevakadzi vakawandisa.

Chimwe chinotendeseka kunetsana kwevafudzi vemombe. Izvi tinozviona pana Kufakunesu anonetsana nemumwe mufudzi aida kuti arambe achingodzora mombe iye agere. Izvi zvinoita kuti vazoguma vakurwisana nekuti Kufakunesu akanga asingachadi kungodzoreswa mombe nevamwe vafudzi vaive vakagara.

Kuremekedzwa kwashe kunoratidza kutendeseka kwerungano. Izvi zvinoonekwa kuna Ishe Chivhimaushe vairemekedzwa zvikuru nevanhu vemudunhu ravo. Pazuva raitwa musangano wekugova nhapwa pamuzinda.

Tinoona machinda avo achivaombera vachitsinhirwa nemhururu yaibva kumadzimai pavakanga vachangogara pasi.

Kurwa nemapfumo muupenyu hwepasichigare kunotendeseka.

Izvi tinozviona kuna Kufakunesu anorwisana naShe Chivhimaushe pamuzinda wavo. Anonhamukira pfumo rake rematata avasekuru vake VaZvinokona ndokuvabaya naro kamwe chete padundundu vachibva vangofa.

Dambudziko reunherera rinotendeseka kuti riwire vanhu.

Zvinojekeswa naKufakunesu naKufahakupere vanosara vave nherera vafirwa namai vavo, VaChinhamo vakauraiwa nebakatwa naShe Chivhimaushe uye baba vavo, VaZvauyanepi vakauraiwa nevarwi vaShe Chivhimaushe pahondo yeupambwa.

Kuvhima kunotendeseka kubva murungano urwu. Izvi zvinobuda zuva rapambwa musha waShe Marwei nevarwi vaShe Chivhimaushe. Kufakunesu anobuda pamusha mangwanani achienda kusango kunotsvaga usavi. Anozosangana nevarwi vaShe Chivhimaushe manheru achibva kusango kunovhima akabata usavi hwetsuro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey