Cottco yopa varimi US$1,1 miriyoni

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Cottco yopa varimi US$1,1 miriyoni

Kwayedza

KAMBANI yeCottco Zimbabwe yakakwanisa kuunganidza mari inosvika US$1,1 miriyoni yekuti inge ichitunzvaidza varimi nekuvawedzera mari yavanobhadharwa mushure mekutengesa donje senzira yekuvasimudzira. Mari iyi iri kupihwa kuvarimi vakatengesa donje ravo kukambani iyi gore rapera nemutengo we$0,35c pakg uye vachange vachitutsirwa ne$0,10c pakg imwe neimwe yavakatengesa.

Mukuru weCottco Zimbabwe, VaPius Manamike,  vanoti kambani yavo yave pachidanho chepamusoro panyaya yekututsira varimi nemari iyi.

VaManamike vanoti donzvo ravo nderekusimudzira kurimwa kwedonje munyika.

“Tave pachidanho chepamusoro chekupa varimi mari iyi mushure mekunge taunganidza US$1,1 miriyoni. Varimi vari kuratidza kufara zvikuru nemitengo yedonje iyo yatiri kupa kumisika mwaka uno,” vanodaro.

Zimbabwe iri kutarisira kuwana matani 150 000 edonje mumwaka uno zvichitevera kupindira kwakaita Hurumende nekuwanisa varimi zvekushandisa.

Gore rapera, matani 30 000 edonje ndiwo akaburwa nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira mitengo yaive pasi, kukanganiswa kwakaitwa chirimwa ichi nekushaikwa kwemvura yemudenga yakakwana pamwe neyemadiridziro.

Zvakadai, Hurumende iri kuyambira varimi vari kubatsirwa nezvekurimisa donje kuti vazvishandise nemazvo.

Kambani yeCottco ndiyo chete ine bvumo yekutenga donje kubva kuvarimi vari kutsigirwa neHurumende.

Varimi vari kuwaniswa zvekurimisa zvinosanganisira mbeu, fetereza nemishonga.

Hurumende inotori nemagwaro evarimi vakakodzera kuti vange vachiwaniswa rubatsiro urwu.

Zvakadai, gurukota rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, Dr Joseph Made, vanoti chirimwa chedonje chakakosha zvikuru nekuti chinosimudzira hindasitiri yezvekusonwa kwembatya, kuwanisa kwemafuta pamwe nekudya kwezvipfuyo.

“Chirimwa ichi chakakosha zvikuru sezvo chichishandiswa mukugadzira zvinhu zvakasiyana zvakadai sembatya, magumbeze nezvimwe uye chinobatsira mukuwanisa veruzhinji mabasa nekusimudzira nyaya dzekutengeserana pakati penyika dzakasiyana,” vanodaro Cde Made.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey