Kwayedza
Malven Mugadzikwa ari kwaMUTARE
KAMBANI huru munyaya dzekuuchikwa nekutengeswa kwembeu muZimbabwe, yeSeed Co, svondo rapera yakapa rubatsiro rwematani makumi matanhatu ehupfu sedanho rayo rekubatsira vanhu vekuChimanimani neChipinge avo vakawirwa nedutumupengo iro raive nemvura yemafashamu rinodaidzwa kuti Tropical Cyclone Idai.
Vachitaura pachiitiko ichi, VaDenias Zaranyika – avo vanova managing director wekambani iyi – vanoti vakabatana neruzhinji rweZimbabwe mukuchema nemhuri dzine hama dzakarasikirwa neupenyu nekuda kwenjodzi iyi.
“Kubva makore makumi nemashanu apfuura ayo atashanda mudunhu reSouthern Africa munyika dzinoti Zimbabwe Mozambique pamwe chete neMalawi, hatina kumboona njodzi yakapedza vanhu seizvi. Zvinotyisa zvikuru kuona kuparadzwa kwakaitwa dzimba nekubviswa kwakaitwa vanhu munzvimbo dzavaigara nekuda kwedutu remvura rakauya rakakura kudaro,” vanodaro VaZaranyika.
Vanoenderera mberi vachiti, “Sekambani, takati hatigoni kungotarisa dambudziko rakadai richipfuura asi kuti takaona kuti zvakakodzera kuti tipe rubatsiro rwatinogona mukuderedza mamwe ematambudziko ari kusangana nevanhu vari munzvimbo dzakawirwa nedutu remvura reCyclone Idai.
“Vanhu vakarasikirwa nechikafu chavo, naizvozvo takaona kuti rubatsiro rwehupfu rwunovabatsira,” vanodaro.
VaZaranyika vanotendawo vose vari kubatsira nenzira dzakasiyana mukuyamura vanhu vakawirwa nenjodzi ava.
Vamwe vaive pachiitiko ichi vanosanganisira gurukota rekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba, Cde July Moyo nemukuru wemadzimambo munyika Mambo Fortune Charumbira.