Delta yakabatsira vana vepaChiedza

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
Delta yakabatsira vana vepaChiedza Mai Patricia Kudzai Murambinda (kurudyi) vachitambidza Mai Spiwe Chakawa mimwe yemidziyo yezvemitambo yakapihwa neDelta Corporation Limited kuChiedza Child Care Centre svondo rapera.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI inogadzira zvinwiwa, yeDelta Corporation Limited, svondo rapera yakapa rubatsiro rwemidziyo yekushandisa mune zvemitambo inokosha $5 000 kuChiedza Child Care Centre iri kuArdbennie, muHarare.

Midziyo iyi inosanganisira marimba, ngoma, hosho, matenesi, mayunifomu nezvimwe zvakawanda izvo zvichaona vadzidzi vepaChiedza vachibatsirikana mudzidzo yavo.

Chiedza Child Care inobatsira mukufundisa vana vanotambura, zvikuru avo vanobva kumhuri dziri kushungurudzwa neutachiona hweHIV neAIDS uye wakavambwa mugore ra2001.

Vana vanobatsirwa apa vanosanganisira nherera nevari pasi pemakore 18, zvikuru vanobva mumusha weMbare.

Vachitaura pakutambidza vadzidzi midziyo iyi, Mai Patricia Kudzai Murambinda, avo vanova corporate affairs executive kuDelta, vanoti aka hakasi kekutanga vachibatsira Chiedza.

“Mumakore akadarika, takabatsira madzimai akaremara kuti vange vachiita mabhindauko ekuchengeta huku, kugadzira kobhura, kutengesa nekuzvivambira mabhizimusi munzvimbo yeMbare. Tinoda kuramba tichishanda nenharaunda idzo tinodyidzana nadzo kuti tiwanikwe tichidzorera kwavari.

“Vana vari pano vanobva kumhuri dzinotambudzwa neutachiona hweHIV neAIDS nokudaro vanoda kutsigirwa mudzidzo yavo. Tavapa midziyo inokosha $5 000 kuitira kuti vabatsirikane mufundo yavo.

“Munguva yadarika, takacheresawo chibhorani pamwe nekuisa magetsi anobva muzuva kuitira kuti mabasa afambiswe zvakanaka,” vanodaro.

Mai Spiwe Chakawa, avo vanova executive director weChiedza Child Care Centre, vanotenda rubatsiro urwu vachiti rwuchasimudzira dzidzo yevana vavo.

“Vana ava vane upenyu hunorwadza zvekuti kazhinji kacho tikati dhirowai nezveupenyu hwenyu unotogona kushamisika vachidhirowa mabhokisi anovigiswa vafi kana munhu akaremara kureva kuti ndihwo upenyu hwavakakura vachiona apo vazhinji vavo vakarasikirwa nevabereki nekuda kwedenda reHIV.

‘‘Kuuya kwerubatsiro urwu kunounza nyevenutso mundangariro dzavo nekuti vanowana shamwari uye kutandadzwa apo vanopinda mumitambo yakasiyana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey