DETEMBA TINZWE

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

urombo nenzara ndivo varoyi

naDyke Matambo
I-i-i-i, muzukuru ndiwe VaMufanebadza nhai
Tarira, usimbe hauna chidyiwa
Usagara maoko nekuti ungandya nhoko dzembudzi
Usatambisa icho Chawawana muzukuru
Chawawana batisisa, mudzimu haupi kaviri
Ndakanzwa kuti ipfuma iya,
Iya yakabva kuhanzvadzi yako wakatsakatisa
Chokwadi murombo haarovi chine nguwo
Uye urimbo unonamira
Tarira zvawakafambidzana navapfumi vaya
Nhasi hauchina chauinacho
Asi ivo machakanana,
Wakarasa-rasa chawakawana muzukuru wangu,
Vakurumbidza asi nhasi wangova tsuro zvayowo.
Munhu asina mutimwi haasimiri magwada
Udonha akatishavira pamadzimbuyawasha,
Rega kuita urombo senherera inodya ichirutsa
Chokwadi vakuru vakati urombo uroyi,
Urombo hahuudzwi munhu,
Kana uri murombo hauna wako wehama
Dzinokusemawo muzukuru
Rega kuita rugure serwenda
Iyo inoruma akaitakura
Weduwe regai vakuru vakati urombo uroyi

Dyke Matambo ari muForm 2 paMurombedzi Secondary School, kwaZvimba.

MAONERO:
Wazama chose Dyke kuburitsa dingindira guru rinova ndiro musoro wenhetembo yako. Asi nemhaka yekuti nhetembo yako haina zvimiso zvakaita semaquestion mark, full stops, commas panzvimbo yazvinofanirwa kunge zviri, inobva yanetsa kuiverenga ichinyatsoyerera. Zvimiso zvine basa guru kwazvo, nekuti ndizvo zvinotiudza maverengero anonyatsoburitsa zviri mumwoyo memunyori. Sezvandinogarotaura, kusashandisa zvimiso nenzira yakanaka, kwakafanana nekufambisa mota isina mabhureki, bhero, mwenje nemaindiketa. Mota iyoyo inogona kukonzeresa tsaona huru kwazvo.

Ndichiri ipapo, handizive kuti ndiwe here kana kuti ndeakakutaipira nhetembo yako, asi mune mhosho dzezviperengo dzinokanganisawo zvakare. Ndinokumbirisa kuti kana uchinge wanyora nhetembo kana chimwe chinyorwa chipi zvacho, udzokorore kuchiverenga kuti tumhosho tudiki twunosvibisa mwoyo twugadziriswe.

Pane zvirevo zvawashandisa zvinodawo kutwasanudzwa sepawati:
Usagara maoko. Kugara maoko nekugarira maoko zvakasiyana. Uye, kana ukati iwe “Murombo haarove chine nguwo” uchireva munhu anoita sarudzo yekuparadza pfuma yake achiziva, unenge washandisa tsumo iyi zvisiri izvo. Tsumo iyi inoshanda pane munhu ari kuedza zvikuru kuti zvinhu zvimunakire, asi pongoitawo zvimwe zvinhu zvaasina simba pamusoro pazvo zvinomuparadzira pfuma iyoyo.

Uyewo pane pawangozoti, “Uye urimbo unonamira.” Wanga uchirevei? Ichi chirevo chakatozara chinoti, “Nhamo urimbo, inonamira.” Uye mashandisiro awaiita pano zvakare haasi iwo. Saka iva nechokwadi chekuti uri kushandisa mutauro sezvaunofanirwa kuitwa.

Wanga uchishandisa zvirevo zvakawanda, kunyanya kwekupedzisira kwenhetembo yako, asi unenge wanga uchinakidzwa nekungodzimikira tsumo nemadimikira. Handisi kuona hukama hwetsumo inoti, “rugare runenge rwenda inoruma akaitakura” nedingindira renhetembo yako rekusashandisa pfuma zvakanaka. Zvimwe chete nepawati, “Urombo huroyi.” Hatingati munhu adya akapfachura pfuma yake timushandisire tsumo iyi.

Nhetembo yako haisi muzvindima, asi kana ndichiiverenga, ndine mandiri kuona kuti manga muchida kuti ive nendima.
Ndima dzinobatsira kuronga pfungwa dzako kuti dzirege kukanyana-kanyana.
Dzinoratidza kuti wapedza nezvepfungwa yekutanga, uye wave kupinda mune yechipiri. Semuenzaniso, wanga uchida ndima itsva pamutsara unotanga nekuti: “Ndakanzwa kuti pfuma iya.”
Imbokurukura nemudzidzisi wako weShona akubatsire nezvandataura izvi.

[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey