DETEMBA TINZWE

12 Dec, 2014 - 00:12 0 Views

Kwayedza

HUPENYU HWANGU MOMBE
naPrince Musarurwa
Ndikangoona nguva yemunakamwe yasvika
Ini zvangu mombeNdinobva ndaziva kuti basa uye kutambudzika kwatanga
Denga rikaeredza misodzi yaro
Mangwanani inomuka iri miridzo
Kumakura nekumapindu tichikwapurwa misana netyava

Zvavanondiita ndizvo zvakaoma
Vabva kundondirimisa mugombo
Vanondizarira muzvimapango zvisina kana denga
Denga rinondivharirawo mvura

Vanofunga kuti handirwadziwe
Asi zvakangooma kudhonza chakanyura muvhu
Muhupenyu hwangu ndinotoziva zvangu
Kuti ndakamirirawo kukabirwa asi chokuita hapana

Zvizhinji zvavanodya iziya rangu
Asi hapana musi wavakambotipinzawo mumunda wakasvibira
Timboitawo machikichori tirimo muziya redu

Zvavanenge varima zvacho zvikaita
Vanondiuraya vachipemberera goho ravanenge vaita

Prince Musarurwa ari muForm 3 paTransparency College, Seke Islamic Centre kuChitungwiza.

MAONERO:
Ndinofarira manyorero akadai ekupa chinhu chisingataure mukana wekutaura. Manyorero akadai, anopa nyanduri mukana wekupinda mupfungwa, mwoyo, maziso nenzeve dzemombe zvekuti tinomanikidzwa kuona pamwe chete nekufunga pamusoro pezvinhu zvatinongofunga kuti hazvina basa.

Asi iyo mombe iyi ingadai iri kuchema-chema zvayo, handiti kana ikarega kurima inobva yatonzi haina chainobatsira nacho, saka ngaitengeswe kubhucha? Zvisinei rega tipinde munhetembo yacho tinzwe.

Mombe iri kuchema-chema nebasa rakawanda, asi kushanda hakuna kuipa nekuti painenge ichishanda, kana nevanhu vacho vanenge vachishandawo. Asi chakaipa apa ndechekutambudzika ichikwapurwa musana netyava. Dai pamwe waburitsa kuti basa racho rakawandisa zvekuti vanhu pavanochinjana vamwe vachienda kunozorora, iwe hauwane zororo.

Zvino iwe uri kuchema kuti danga rako harina denga rinokuvharira kuti mvura isakunaye. Saka zvinobva zvaita sekuti nhetembo yako iri kushandisa mombe, asi nyaya yauri kutaura ndeyekudzvanyirirwa kwakasiyana-siyana. Pfungwa iyi inonyanyobuda mundima yauri kuti:
Zvizhinji zvavanodya iziya rangu,

Asi hapana musi wavakambopinzawo mumunda wakasvibira

Timboitawo machikichori tirimo muziya redu

Apa panonyatsochiratidza kuti nyaya yauri kutaura inyaya hombe yezvinoitika muhupenyu kuti vane mari vanoshandirwa nevasina, asi chinowanikwa nevanhu vanenge vashanda chinochemedza.

Nhetembo yako yangoita dambudziko remitsara yakarebesa isiri kutevedza manyorerwo enhetembo. Ukatarisa uchaiona mitsara iyoyo, inopedzisira yave kurasa hunhetembo nekuti inenge yoita sekuti uri kunyora rondedzero. Uyewo, nhetembo yako inoda kuti ushandise zvimiso nenzira inobatsira muverengi pamwe chete nenhetembo yako kuti ibude sezvauri kuda.

Pasina izvi, nhetembo yako yakanaka, uye ndanyanya kufarira mutauro wako sepawati, “Denga rikayeredza misodzi,” “kudhonza chakan’yura muvhu.”

[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey