DETEMBA TINZWE

02 Apr, 2015 - 20:04 0 Views

Kwayedza

ZVAUNONDIITA SO . . .!

naShingirai Manyengavana
KWAYEDZA bepanhu revanhu
Vanhu vane hunhu
Hunhu hwasimusidzirwa nei?
NeKwayedza bepanhau revanhu
Kwayedza ndakasokuona kare
Ndichatemwa dzinobuda chokoreti
Nhasi ndabve zera, ndave jaya
Ndave kukuona sebhebhi rangu

Mudiwa Kwayedza
Wave wangu
Ini ndave wakowo
Ndisati ndakukanda pakicheni
Tomboshanya kwatete Chipangamazano
Tindorumwe zvedu nzeve ikoko
Kuzoitira dangwe redu Manuwere
Kana ronzi naVaMabasa
“Detemba tinzwe”

Dhiya wangu chiswedera pedyo neni
Umbondinzwisawo nezveNhau Dzemuno
Kuumbiridza rangu Denhe reruzivo
Ndidzidzisewo nezvenhau dzeutano
Uzondizevezerawo Nhau dzemadzimai
Idzo dzakanzi dzi-i pamuviri pako
Ndakakuwana kare zveTishamwaridzane handichaiti
KweNgoma nehosho ndokwangu
Ndakarimirana muganhu nezveMitambo

Kwayedza sha!
Ende zvaunondiita so
Kana hope handirari
Ndakangokutarisa ndichikuverenga
Ndichiti ndikakuvhura, ndokuvhara
Ndichikuvhura mapeji ako ose
Zvaunondiita so zviri kumberi
Kumberi kwekuseri seri
Dai waive sadza ndaikutemura wakadaro
Kuzoti dai waive muti ndaikudiridza nefanda!

Shingirai Manyengavana ari muForm 5 paAlpha Institute, kwaMutare.

MAONERO:
Uyu nyanduri anondigonera chaizvo-izvo. Anoti kusetsa, agoti kugona, pamwe chete nekusazeza kuita kuti mutauro usarambe wakangozorora ipapo pawakasiiwa uri kare-kare. Ndiko kwacho kunonzi kuratidza hunyanzvi hwekutamba nemashoko kusvikira mashoko acho ave kusekerera kunge muhomba wembambaira watsemukira!
Chandifadza munhetembo iyi, kusatya kushandisa mazwi nezvirevo zvitsva. Ipapa ndipo panofira vana nyanduri vechidiki vazhinji. Asi apa Manyengavana aratidza kuti unogona kubika sadza nehumwe hupfu husiri hwatinoziva hwemazuva ose.
Nhetembo yake inoyerera semafuta zvekuti unobva wanyatsoona kuti haasi nyanduri wekudhumhira-dhumhira. Kubva pamusoro wenhetembo yake, haana kuzeza kushandisa izwi rekuti “so”. Mashandisiro emazwi akadai anobatsira kunyatsoburitsa manzwiro ari kuita nyanduri rudo rwake kuKwayedza.
Uyewo, ndiwo matauriro chaiwo anoita vari murudo, saka agona zvake Manyengavana. Uye ukatarisa uchaona kuti Manyengavana ishasha pakushandisa hochekoche, mutinhimira nemabvumira. Inzwa kutapira kwemitsara iyi pachishandiswa mazwi ekuti vanhu nahunhu:

Kwayedza bepanhau revanhu
Vanhu vane hunhu.
Hunhu hwasimusidzirwa nei?
NeKwayedza bepanhau revanhu

Unonyatsoona kuti nyanduri uyu ari kunyatsoburitsa rudo rwake nekuda kwemazwi ake akasarudzika zvakanaka. Mazwi akaita sekuti: “mudiwa Kwayedza, wave wangu, dhiya wangu.”
Mapedzisiro ake anoita kuti usimuke umuomberere nyangwe iye asipo. Ndafarira manyorero ake anoshandisa mutauro wakareruka paati:
Kwayedza sha!
Ende zvaunondiita so
Kana hope handirari
Vazhinji vedu tinoziva kuti kana pave kunzi sha, pave kutaurwa nemunhu wawakanyatsoti kwati-kwati naye. Izvi abva azvisimbisa nekuti, “ende zvaunondiita so.” Ipapa unobva wanyatsonzwa izwi rekuyemedzwa nekutambudzwa nerudo.
Chidavado chepfekedzahunhu chagona kushandiswa nemazvo chaizvo. Kupedzisa kwaManyengavana kunoita kuti uone kupengeswa kwaaitwa nerudo zvekuti anoti:
Kuzoti dai waive muti ndaikudiridza nefanda!
Kushandisa kwake mutauro nenzira iyi kwamboitika zvakare paati:
“Ndichatemwa dzinobuda chokoreti”
Wega unobva wangogutsikana kuti nyanduri anogona kushandisa mazwi kugadzira mifananidzo yakajeka nemashoko. Chinhu chidiki chandinoda kuti nyanduri achenjerere mashandisiro ezvimiso. Pasina izvozvo, hushasha hwakati ti!
[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey