DETEMBA TINZWE

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

SHURAMATONGO
naAudrey Kudzai Nago

Hehede! Ini ndinonzi Shuramatongo.

Mudya zvose zvose!

Kusarudza kwete!

Ndinorwa nemasoja ako iwayo akati

Gwindiri asi ndinoaita murakatira chete!

Ndinokoka hama dzangu zvirwere zvese

Mumuviri Mako

Topembera tichikudya nekunwa hwako utano.

Ini Shuramatongo handina anoti pwe pandiri.

Hapana! Hapana!

Kana anondikunda hapana!

Paunongoenda pabonde nemunhu

Wandaka shamwaridzana naye, mumwe

Wangu ndatova asahwira vako.

Hakuna hwedu hwunenge hwana mukombe nachirongo.

Asi kana usingaite zvepabonde ha…ha

Tinenge tiri gonzo nachin’ai.

Ini ndinokupedza chivhindikiti kuita

Karutsanga karimumvura chaiko.

Mafaro ako anoita mashoma.

Ndinokudya kusvika wapera seshumba

Irikudya bondo ranzou.

Audrey Kudzai Nago ari muGrade 6 paLakeview Primary School, Galloway Road, kuNorton.

MAONERO:

Kazhinji ndikaona musoro wenhetembo wakati “shuramatongo,” ndinobva ndapera shungu nekuda kwekuti kune nhetembo dzakawanda kwazvo dzakanyorwa pamusoro pechirwere ichi. Nhetembo zhinji dzakanyorwa nezveshuramatongo hadzisisina zvinhu zvitsva zvekutaura, zvekuti vanonyora nezvenyaya iyi vanofanirwa kutonyatsodzika pasi pasi chaipo.

Asi nhetembo yako Audrey Kudzai Nago yandiratidza kuti wakainyora wanyatsoita tsvakurudzo. Inoburitsa ruzivo rwunodzidzisa uye rwuchiratidza kuti iwe unonyatsoziva nezvechirwere ichi.

Washandisa chidavado chepfekedzahunhu zvakanaka kwazvo. Uye kana manyorero awaita ekutanga nekuti “hehede!” anonyatsoburitsa kudada nekusavhunduka kunoita shuramatongo. Wabva waratidza kuti unoziva kuti shuramatongo inokura nekusimba kubudikidza nekurwisa masoja emuviri.

Uye ipapa wabva wabaya chaizvo nekugona kushandisa nyaudzosingwi yakakodzera pawati:

Ndinorwa nemasoja ako iwayo akati

Gwindiri asi ndinoaita murakatira chete!

Kushandisa nyaudzosingwi sezvawaita kunobatsira kuti vaverengi vanyatsoona nekugutsikana kuti shuramatongo kana ichiita “murakatira” masoja emuviri, zvinoreva kuti haisi kuita zvekutamba. Saka wanyatsosarudza mazwi ako zvakachenjera.

Pamwe pawaratidza hushasha ndepawati,

Ini Shuramatongo handina anoti pwe pandiri.

Hapana! Hapana!

Kana anondikunda hapana!

Kana uchinge washandisa mutauro wakapfuma saizvozvi, wabva waratidza kuti hausi kungotamba nemazwi, asi kuti unoziva kushandisa zvimiso zvekuratidza kukanuka nekukwidzwa kwezwi. Uye hushasha hwako wazohusimbisa nekushandisa chidavado chedzokororo – hapana, hapana, hapana. Izvi zvinobva zvaburitsa kuzvitutumadza kweshuramatongo.

Chinhu chawanga wave kuda kurasika ndechekupa pfungwa yekuti munhu akaita bonde ndipo chete paanowana chirwere.

Uyewo, ziva kuti ibonde risina kudzivirirwa rine ngozi. Handinawo kunzwisisa kuti wanga uchirevei pawati:

Hakuna hwedu hwunenge hwana mukombe nachirongo.

Ndinofunga kuti kutaipa kusina kunaka kwakanganisa zvawanga uchida kutaura.

Ndinodawo kuti uzobatsirwa nemudzidzisi wako kuti uzive mazwi anopatsanurwa neanobatana, nekuti ndicho chimwe chinhu chandaona. Asi ramba uchinyora nekuti ndaona kuti une chipo chikuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey