DETEMBA TINZWE

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

NDOZVIUDZA ANIKO?

 naPrince Kadera

Nhai iwe Zimbabwe!

Vana vako voparadzana

Sepfungwa dzebenzi.

Ruvengo kumarudzi ose

Rwawana pekutandari,

Ingawani 1980 takapembera tose,

Takabatana tikarwisa muvengi

Tichiti mangwana tigoyaura

Nemufaro, Ko! Zvino nhasi

Zvowoita seshato, Ndikoku here

Kupembera kwatakarwira

Zimbabwe?  Chokwadi

Ndozviudza aniko?

 

Nhasi uno asina hama yake

Irimuparamende haana chake,

Nekuti gwevarudzi ndirwo rwave

Nechidadiso, kuti uwane basa

Pakamba unototanga wadyiwa

Nevakuru, Pasina izvozvo watova

Chiseko chenyika. Kuti uronewo

Kako kamusika, kanzuru ikati uyayi tiende! 

Atengawo kombi yake,

Kungoiti pamugwagwa tsve!

Mapurisa opembera nekuhwewa

Rute sebere.  Kuti ndiwanewo

Pekugara mudhorobha, hunzi

Makavakira panzvimbo yechikoro.

Ndofungawo zvekunotora zvinhu

 kunze, hunzi zvinhu zvavekuda

malicence kuti zvipinde muno.

Ko iko kuomeserana ndekweiko?

Ndirworwu here rusununguko

Zimbabwe?  Chokwadi

Ndozviudza aniko?

 

. Prince Kadera ari muForm 6 paChatiza High School, kwaMutoko.

 

MAONERO:

Dzimwe nguva ndinotya nekuda kwemibvunzo inobva kuvana vadiki. Ndinoona kuti tine zvinhu zvizhinji zvisina kumira zvakanaka zviri kukahadza nyangwe vana vedu zvinoda mhinduro. Nhetembo ino iri kuratidza kusafara nekuda kwezviri kuitika munyika zvakaita sehuori, chiokomuhomwe, chizivano nezvimwe zvakadaro.

Musoro wenhetembo unoratidza kushungurudzika kwakanyanya, kutsvaga kwekuturira nekwekubatsirwa. Uyu munzwa uri kurwadzira mukati. Kudzama kwenhetembo iyi kunoonekwa mukuti nyanduri asarudza kutaura neZimbabwe (nyika) nekuti ndiyo ine vana vaita kuti mudetembi atambudzike. Iko kupfekedza nyika hunhu kuti anyatsoibvunza mibvunzo ndiko kunoratidza kudzama kwenyaya iri mudariro.

Nyanduri anotanga nekudzokera kunyaya yechinangwa nekubatana kwaive nevana veZimbabwe pakurwisa mhandu kuti rusununguko rwuuye. Asi zviroto netarisiro yese yashanduka zvekuti chasara yave mibvunzo yaari kuti:

Ndikoku here

Kupembera kwatakarwira

Zimbabwe?  Chokwadi

Ndozviudza aniko?

Kushaya wekuudza kwanyanduri kuri kuita kuti chidavado chemubvunzo uyu chiratidze shungu nekupererwa kwake.

Nyanduri wedu akarongeka zvikuru nekuti mushure mekunge atipa shungu dzake nekupererwa, tinomuona zvino mundima yechipiri ave kudonongodza zvinhu zviri kumudya mwoyo. Anotaura chiokomuhomwe nyangwe munzvimbo dzinofanira kunge dzichitungamirira nyika zvakanaka dzakaita separamende. Anotaura nyaya yekutenga nekutengeswa kwemabasa mumakambani. Ari kutarisa zvinhu zvakawanda kusvika kune vanotengesa pamisika nevanoita bhizinesi remakombi kuti havachasununguka kuitawo mabasa avo.

Nhatembo iyi inoratidza kuti nyanduri munhu anoverenga mapepanhau uyewo anonzwisisa zvizhinji zviri kuitika munyika. Aratidza kuti nyanduri ane basa rekuva izwi revaye vakaomerwa asi vasiri kutaura nyaya dziri kuvanetsa. Anoti; Ko iko kuomeserana ndekweiko?

Ndirworwu here rusununguko

Zimbabwe?  Chokwadi

Ndozviudza aniko?

Zvinhu zvizhinji zviri kuda kunzwisiswa nanyanduri, uye zvinhu izvozvo zviri kubuda mumibvunzo yake iri mundima yekupedzisira. Iyo ndima yake yekupedzisira yaedza zvikuru kuburitsa mutinhimira nemabvumira.

Munhetembo iyi mune zviperengo zvakakanganiswa zvinoita kuti nhetembo yakanaka iite seyakashata. Ngwarira patsanuro nebatanidzo yemazwi.

Kuna nyanduri wechidiki Pride Kadera, ramba uchinyora nekuti chipo chiripo.

 

. [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey