Kwayedza
Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.
NDOZVIUDZA ANIKO?
naPrince Kadera
Nhai iwe Zimbabwe!
Vana vako voparadzana
Sepfungwa dzebenzi.
Ruvengo kumarudzi ose
Rwawana pekutandari,
Ingawani 1980 takapembera tose,
Takabatana tikarwisa muvengi
Tichiti mangwana tigoyaura
Nemufaro, Ko! Zvino nhasi
Zvowoita seshato, Ndikoku here
Kupembera kwatakarwira
Zimbabwe? Chokwadi
Ndozviudza aniko?
Nhasi uno asina hama yake
Irimuparamende haana chake,
Nekuti gwevarudzi ndirwo rwave
Nechidadiso, kuti uwane basa
Pakamba unototanga wadyiwa
Nevakuru, Pasina izvozvo watova
Chiseko chenyika. Kuti uronewo
Kako kamusika, kanzuru ikati uyayi tiende!
Atengawo kombi yake,
Kungoiti pamugwagwa tsve!
Mapurisa opembera nekuhwewa
Rute sebere. Kuti ndiwanewo
Pekugara mudhorobha, hunzi
Makavakira panzvimbo yechikoro.
Ndofungawo zvekunotora zvinhu
kunze, hunzi zvinhu zvavekuda
malicence kuti zvipinde muno.
Ko iko kuomeserana ndekweiko?
Ndirworwu here rusununguko
Zimbabwe? Chokwadi
Ndozviudza aniko?
. Prince Kadera ari muForm 6 paChatiza High School, kwaMutoko.
MAONERO:
Dzimwe nguva ndinotya nekuda kwemibvunzo inobva kuvana vadiki. Ndinoona kuti tine zvinhu zvizhinji zvisina kumira zvakanaka zviri kukahadza nyangwe vana vedu zvinoda mhinduro. Nhetembo ino iri kuratidza kusafara nekuda kwezviri kuitika munyika zvakaita sehuori, chiokomuhomwe, chizivano nezvimwe zvakadaro.
Musoro wenhetembo unoratidza kushungurudzika kwakanyanya, kutsvaga kwekuturira nekwekubatsirwa. Uyu munzwa uri kurwadzira mukati. Kudzama kwenhetembo iyi kunoonekwa mukuti nyanduri asarudza kutaura neZimbabwe (nyika) nekuti ndiyo ine vana vaita kuti mudetembi atambudzike. Iko kupfekedza nyika hunhu kuti anyatsoibvunza mibvunzo ndiko kunoratidza kudzama kwenyaya iri mudariro.
Nyanduri anotanga nekudzokera kunyaya yechinangwa nekubatana kwaive nevana veZimbabwe pakurwisa mhandu kuti rusununguko rwuuye. Asi zviroto netarisiro yese yashanduka zvekuti chasara yave mibvunzo yaari kuti:
Ndikoku here
Kupembera kwatakarwira
Zimbabwe? Chokwadi
Ndozviudza aniko?
Kushaya wekuudza kwanyanduri kuri kuita kuti chidavado chemubvunzo uyu chiratidze shungu nekupererwa kwake.
Nyanduri wedu akarongeka zvikuru nekuti mushure mekunge atipa shungu dzake nekupererwa, tinomuona zvino mundima yechipiri ave kudonongodza zvinhu zviri kumudya mwoyo. Anotaura chiokomuhomwe nyangwe munzvimbo dzinofanira kunge dzichitungamirira nyika zvakanaka dzakaita separamende. Anotaura nyaya yekutenga nekutengeswa kwemabasa mumakambani. Ari kutarisa zvinhu zvakawanda kusvika kune vanotengesa pamisika nevanoita bhizinesi remakombi kuti havachasununguka kuitawo mabasa avo.
Nhatembo iyi inoratidza kuti nyanduri munhu anoverenga mapepanhau uyewo anonzwisisa zvizhinji zviri kuitika munyika. Aratidza kuti nyanduri ane basa rekuva izwi revaye vakaomerwa asi vasiri kutaura nyaya dziri kuvanetsa. Anoti; Ko iko kuomeserana ndekweiko?
Ndirworwu here rusununguko
Zimbabwe? Chokwadi
Ndozviudza aniko?
Zvinhu zvizhinji zviri kuda kunzwisiswa nanyanduri, uye zvinhu izvozvo zviri kubuda mumibvunzo yake iri mundima yekupedzisira. Iyo ndima yake yekupedzisira yaedza zvikuru kuburitsa mutinhimira nemabvumira.
Munhetembo iyi mune zviperengo zvakakanganiswa zvinoita kuti nhetembo yakanaka iite seyakashata. Ngwarira patsanuro nebatanidzo yemazwi.
Kuna nyanduri wechidiki Pride Kadera, ramba uchinyora nekuti chipo chiripo.