DETEMBA TINZWE

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

Marwadzo ekurasikirwa
andisuwisa nguva dzose
naYemurayi Dzama
Aaa! dai ndisina kumbozvarwa zvangu!
Ndinoyedza kukupai rukudzo saamai
Asi hamurutambiri, munondisema,
Ndinokupai rudo, ndinoita tsika,
Zvese ndinoyedza, asi
Vekuitira hapana mufunge!

Munondishandisa sedhongi,
Handina nguva yekuzorora,
Handina nguva yekuverenga,
Handina nguva yekutamba nevamwe.
Ko munondidareiko, imhosva yangu here
Kufirwa naamai, ko ndakakumbira
Kuzvarwa here?

Ndinotarisirawo rudo rwaamai kubva kwamuri,
Ndinotarisirawo zvakanaka kubva kwamuri.
Dai mai wangu wari vapenyu musina
Kuroorwa nababa wangu,
Taifunga kuti tawana mai,
Aaa inga wamwe vanobata,
Vana vevarume vavo zvakanaka wani,
Aaa! dai ndisina kumbozvarwa zvangu!

Yemurayi Dzama anodzidza paNortix High School, Bonda Area kuJuliasdale.

MAONERO:
Chekutanga, nhetembo manyorero asingawanze mashoko mazhinji.
Nhetembo nguva zhinji inotaura zvairi kuda nyangwe mumusoro wayo chaiwo nemashoko mashoma-shoma.
Kazhinji, nhetembo inoshandisa mabvumira, mutauro wakapfuma setsumo, nyaudzosingwi, chibhende, enzaniso uye ichiburitsa zvinhu zvinowanzozivikanwa kuti zvine chekuita nenhetembo zvakaita semutinhimira, hochekoche nekurongwa kwendima muzvikamu nezvikamu.

Sei ndiri kukutaurira zvese izvi?

Musoro wenhetembo yako wakarebesa zvekuti unoita kuti vanhu vabva vangoziva kuti nhatembo yako iri kutaura nezvei. Asi dai kuri kuti washandisa enzaniso kana mucherechedzo semusoro wenhetembo yako, waiita kuti vanhu vanzwe havi yekuda kuziva kuti chinombori chii chauri kutaura nezvacho.

Muchidimu, ndiri kuti rega kubva wapa zvese zviri munhetembo yako, vanhu vasati vatomboiverenga.

Topinda mumutumbi wenhetembo yako.

Panzvimbo pekuti ndione marwadzo ekurasikirwa, ndiri kunzwa nyaya yekugunun’una kwemwana asiri kubatwa zvakanaka. Handisi kunzwa uchinyanya kutaura nezvekurasikirwa kwako, asi nezvekusabatwa zvakanaka. Saka musoro wenhetembo yako unobva waita sekutadza kunyatsosvitsa vanhu pachokwadi.

Pasina izvozvo, chinhu chawagona kunyatsoburitsa nenzira yakasimba munhetembo yako kuchema kwekushungurudzika kuri kuitwa neari kudetemba. Wabva wagona kunyora uchishandisa chimiso chekukanuka chinonyatsowedzera kuburitsa zviri muizwi ranyakushungurudzwa.

Chimwe zvakare chawagona kuratidza zviri kukonzerwa nekusabatwa zvakanaka kwauri kuitwa. Washandisa dzokororo kuti zvinyatsosimba uchiti:

Munondishandisa sedhongi,

Handina nguva yekuzorora,
Handina nguva yekuverenga,
Handina nguva yekutamba nevamwe.
Zvese zvawataura mundima iyi, zvinhu zvinokurudzirwa kuti vana vawane — kuzorora, kuverenga pamwe chete nekutamba nevamwe.

Asi shungu dzanyakudetemba dzanyanyisa zvekuti anosvika pakuti, “Dai amai vangu vasina kufa, musina kuroorwa nababa vangu.”

Zvinoita sekuti nyaya yavepo yave yekurwira baba. Asi iwe unozviziva sei kuti dai amai vako vasina kufa baba havaizoroora mukadzi uyu?

Uchenjerere mashandisiro auri kuita /va-/ na/wa-/.

Unofanira kuzvishandisa sezvazvinoitwa muchiShona chaicho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey