DETEMBA TINZWE: Rufu! Ndiri tsuro magen’a!

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Chokwadi kutaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana
Kungoti kwangu pfacha hana dzinoti
Tindingu tindungu kurova
Yowe-e vanoridza mhere vanhu
Vamwe vanodemba demba
Vamwe vanotsoropodza nekutuka.

Ndiri Tsuro magen’a!
Ndakangwarisa iwe,
Ndinoita zvausingafungire
Vana ndinonzvengesa usingafungire
Vakuru ndinonzvengesa
Zvipfuyo ndinonzvengesa
Chipi nechipi zvacho kana svosve chairo
ndinosvika vakavarairwa.

Ndiri Tsuro magen’a!
Chokwadi hakudaidzwi anonzwa pandinosvika
Inenge yave mhere mhere!
Ndakazvionera pamhino sefodya kuti ndakangwara
Chazezesa mutunhu wamago
Haaa maitiro angu akaoma
Ndinorwadzisa vazhinji!
Chakabaya chikatyokera
Ndichagara ndiripo
Hakuna kwandinoenda
Ndiri Tsuro magen’a
Alexia Rumbidzayi Nyamuramba ari muGrade 7B paMutare Junior School, kwaMutare.

MAONERO:
Musoro wenhetembo yako wekuti, “Rufu! Ndiri Tsuro magen’a” wawanda mashoko. Ndinofunga kuti dai wangoti, “Ndiri Tsuro Magen’a” wasiya izwi rekuti “Rufu!”.  Uye chimiso chekukanuka icho, handisi kuona kunyatsokodzera kwacho. Kana tichitaura zvaTsuro Magen’a, tinonyora Magen’a na”M” mukuru nekuti izita rake zvakare.  Kana ukapa nhetembo yako musoro unoti, “Ndiri Tsuro Magen’a” unoita kuti vaverengi vade kuziva kuti iye anozviona semungwaru uye ari anonyengedza vamwe saTsuro Magen’a ndiani. Izvozvo zvega zvinokwezva muverengi kuti ade kunzwa kuchaenda nhetembo yako.

Wasarudza kushandisa enzaniso yekuti rufu rwuve saTsuro Magen’a. Asi enzaniso iyi yakakodzera here? Sezvandambotaura, Tsuro Magen’a ane mbiri yekungwara pamwe chete nekunyengedza vamwe. Saka tingati here rufu rwunozivikanwa nehunhu humwe chete ihwohu? Ini ndinofunga kuti rufu rwune tsika yekurwadzisa nekushamisa. Uye kana Tsuro akasvika panzvimbo, hana dzevamwe hadzirove nekuti haangobva avanyengedza.

Tsuro anozivikanwa nguva zhinji nekushandisa njere dzake kuti awane zvaari kuda, asi iwe nhetembo yako iri kutipa pfungwa yekuti kana Tsuro Magen’a wako anonzi rufu asvika, anodzonyongodza nekusiya vanhu vakanganisika.
Ndima yako yechipiri ndiyo yandafarira nekuti yave kuda kuchitiratidza zvino kuti huTsuro Magen’a hwauri kutaura iwe ndehwe kunzvengesa vanhu nekuda kwekuvauraya zvekuti vanhu vanosara vachivatsvaga. Asi pane pasiri kubuda zvakajeka pawati:

Chipi nechipi zvacho, kana svosve chairo

Ndinosvika vakavarairwa

Handizive kuti wanga uchida kuti kudii.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey