DETEMBA TINZWE: Zvawabva zera mwanangu

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Mwanawe ndinokubairaizanhi,

Zvaunoona, utaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana.

Kukura kwawaita uku, watobva zera.

Hapana achange omira,

Achikuitira tsiye nyoro muupenyu hwako

Zvandaikuitira iwe uchiri pwere

Achange ave mazvake mazvake

Parinhasi nyika yatove mazino

Ukada kuita zvaana gura matunhu,

Uchipedza nyika rutivi

Unofa uchidya nhoko dzezvironda.

Chiona mwanangu, ikozvino wavekutovaka wako musha.

Asi, ungavake sei pasina mukadzi.

Izvo zvakanzi musha mukadzi

Saka wotoroora wako mudzimai,

Ogarisana naye zvakanaka.

Munhu ndeano garisana nevamwe zvakanaka,

Kwete kugara iri mhirizhonga.

Kunyangwe mukutsiurwa kwauchaitwa

Nevagarisani vako unofanira kugamuchira

Usave neshanje nekubudirira kwevamwe

Asi, iva neshungu dzekuvanechakowo,

Ugochishandira nemaoko ako

aa-a mwanangu nhaka yeupenyu,

ndiyo yandakupakurira iyi

asi, kana wangawakaisa miti munzeve,

yavakwakowo iyo.

  • Precious Mugandani ari muForm 4D paKotwa High School, kwaMtoko.

MAONERO:

Nhetembo yako iri kutaura nyaya yakanaka, uye yakakosha. Asi dambudziko rayo nderekuti hausi kuziva pekubatanidza nekupatsanura mazwi. Zvakarewo, pane nguva dzauri kushandisa mazwi nenzira isiri iyo. Wanga uchirega kushandisa zvimiso pazvinofanirwa kuwanikwa.

Nhetembo yako yarebesa asi isingataure zvinhu zvitsva. Kana uchinyora nhetembo, cherechedza kuti izwi rimwe nerimwe, nemutsara mumwe nemumwe wawashandisa zvine zvazviri kubatsira here kuti nhetembo inyatsobuda zvakanaka. Pane mimwe mitsara yaunogona kubvisa, uyewo mimwe yacho haina kubuda senhetembo, yanga ichiita sekuti mitsara yemurondedzero.

Ngatipinde munhetembo yako tinzwe. Kazhinji tinoshandisa tsumo yekuti kutaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana kana takanangana nezvinhu zvakaitika zvekuti munhu ari kuudzwa anenge asina kuzviona kuti anyatsozvibata. Kana ukati, “Kukura kwawaita uku, watobva zera,” uri kutaura zvinhu zviri pachena.

Mutsara wekuti, “Hapana achange omira,” handisi kuona uchibatsira nhetembo yako. Uye handina chokwadi kuti unonzwisisa zvinoreva “mazvake mazvake.”

Nekuda kwekuti hausi kushandisa zvimiso pazvinofanirwa kunge zviri, ndima yako yechitatu inonetsa kuverenga nekuti hatizive pekufema nepekuzorora. Izvi zvinoita kuti vanhu vanozoverenga nhetembo yako vatadze kunzwa zvauri kuda kutaura.

Uye, iwe sanyanduri ziva kuti hatiise miti munzeve, asi zvimiti munzeve. Saka unodawo zvakare kuti ushandise zvirevo sezvazvinozivikanwa kuti utaure zvinogamuchirika. Kana uri nyanduri ndiwe murairidzi wevanhu kubudikidza nemazano, mashoko nekunyora kwakanaka.

Ndiri kuda kuti udzokorore kunyora nhetembo yako iyoyi, asi pose paunenge wanyora mutsara, mira ufunge pamusoro pezvawanyora. Zvibvunze kuti washandisa mutauro wenhetembo une zvirungamutauro, enzaniso, fananidzo nezvimwe zvidavado zvinoshongedza nhetembo here. Isa mashoko ako pachikero, urase mafufu emashoko anoita kuti pfungwa dzako dzisanyatsobaya setsono yejekiseni chaiyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey