Dombodzvuku yakazviita

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Dombodzvuku yakazviita

Kwayedza

CHIKORO cheDombodzvuku Primary School ndicho chakahwinha zvine mutinhimira kumakwikwi eMbende/Jerusarema Dance Festival, ayo akaitirwa kwaMurehwa svondo radarika pamberi.
Vana vechikoro ichi vakaratidzira hunyanzvi hwainwisa mvura, vazhinji vavo vari zera remakore gumi ekuberekwa.

Musami Primary School ndiyo yakapedza iri pachinhanho chechipiri kuchiti Chemapango Primary School yaiva panhamba yechitatu pazvikoro zvitanhatu zvaikwikwidza mumakwishu aya.

Jerusalem/Mbende mutambo wechinyakare apo vatambi vanenge vachitamba vachiratidza zvidobi zvakasiyana zvinenge zvichienderana nekurira kwengoma.

Mukuru wemadzishe munyika (President of the Chiefs Council), Mambo Fortune Charumbira, avo vaiva muenzi anoremekedzwa pachiitiko ichi, vakapembedza makwikwi aya vachiti anosimbaradza tsika nehunhu hwezvizvarwa zveZimbabwe.

“Mutambo wembende unoumba hunhu pamwe netsika nemagariro edu sezvizvarwa zveZimbabwe izvo zvinova zvakakosha kuti tizive kwatakabva uye kuti tigarisane nevamwe murunyararo.

“Inhaka yedu yemusiiranwa inotibatsira kuunza budiriro munyika medu asi kwete munyaya dzemari chete, asi mupfungwa, munyama pamwe nemumweya sevanhu. Mutambo unobatsira pakuderedza hurombo uye tinokwanisa kusimudzira nyika kuburikidza nemutambo uyu,” vakadaro Mambo Charumbira.

Vakakurudzira vatungamiri vemutambo uyu kuti vatsvage dzimwe nzira dzinoita kuti Mbende/Jerusarema ivandudzwe izvo zvinozokwezva vashanyi munyika ino kuti vaendewo kwaMurehwa nekuUzumba Maramba Pfungwe. Mambo Charumbira vakati mutambo uyu unogona kuunza shanduko munyaya dzeupfumi sezvinotarisirwa pasi pechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

Mutungamiri weNational Arts Council of Zimbabwe, VaElvas Mari, vakakurudzira ruzhinji rweZimbabwe kuti rwutsigire mutambo uyu.

“Mutambo weMbende ndewe zvizvarwa zveZimbabwe nokudaro tinotarisira kuwana rutsigiro rwakakura nekuti ndewedu. Gore negore tiri kuramba tichikwirira uye tinokumbira vatsigiri pamwe nevamwe vatungamiriri vekumaruwa kuti vabatane kuti mutambo uyu urambe uchipfumbira.

“Mbende mutambo wedu wechinyakare nokudaro tinotarisira kuti zvizvarwa zvemuno zviutsigire nepose pavanogona ndokusaka muchinzwa ngoma yeMbende ichiridzwa panguva yenhau neveZBC, mutambo unotibatanidza zvizvarwa zvemuno zvose,” akadaro Mari. Vaive pachiitiko ichi vanosanganisira madzishe, vakuru nezvikoro pamwe nevamiriri vemakambani nemasangano akasiyana. – The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey