Kwayedza
CHIGEVEN’A — Uyu anogona kuve munhu akaipa mwoyo zvokuti hazvimunetsi kuuraya kana kuita zvohutsinye. Chigeven’a zvinogona zvakare kureva imbwa inenge yapindwa nechirwere chinoonekwa yava kupengereka (chimbwamupengo) uye chainokwanisa kutapurira chero imwe mhuka yainoruma.