‘Dzidzo ngaifambirane nezvinangwa zveZim’

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
‘Dzidzo ngaifambirane nezvinangwa zveZim’ Cde Muchinguri

Kwayedza

Daphne Machiri
MARI inopihwa kuhomwe yeZimbabwe Manpower Development Fund (Zimdef) inofanirwa kuenderana nebudiriro yemakoreji nemayunivhesiti izvo zvinozoita kuti vana vanobva muzvikoro zvedzidzo yepamusoro izvi vange vaine ruzivo rwunobatsira budiriro yeZimbabwe. Mashoko aya akataura negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina, Cde Oppah Muchinguri svondo rino.

Muhurukuro neKwayedza, Cde Muchinguri vanoti zvikoro zvepamusoro zvakaita semayunivhesiti nemakoreji pari zvino zviri kubura vana vasingagone kuita mabasa anosimudzira nyika nekuda kwezvikonzero zvakawanda.

“Mukatarisa munoona kuti vana vari kuburwa nemayunivhesiti edu vane madhigiri eScience asi vari kuita basa rekutengesa airtime mumigwagwa. Tine maticha akawandisa, maScientist, akadzidza mumayunivhesiti edu asi nhasi uno vakatisiya vachienda kunze kwenyika kumafuro manyoro.

“Zvimwe zvinokonzerwa nekuti mumayunivhesiti muri kudzidza vana ava hamuna zvekushandisa zvakanaka, zvechizvino-zvino izvo zvinofanirwa kushandiswa nevadzidzi. Vadzidzi ava vanozoti zvino vapedza dzidzo, vanonosangana nemichina yechizvino-zvino semakombiyuta mumakambani vobva varasika nekuti vanenge vasina kumbobvira vazvishandisa kuyunivhesiti.

“Tava kuda kuti zvose izvi zvipere, tibure magirajuwetsi anosimudzira nyika pasi pechirongwa cheZim-Asset,” vanodaro Cde Muchinguri.
Gurukota iri raitaura zvichitevera kukumikidzwa kwebhajeti regore rino reZimdef re$38 miriyoni. Cde Muchinguri vanoti mari yeZimdef inofanirwa kuita basa guru rekusimudzira dzidzo yemumakoreji nemayunivhesiyi, iyo yavanoti inofanirwa kufambirana nedonzvo rekusimudzira upfumi hweZimbabwe.

“Bujeti reZidef rinofanirwa kunyatsofambirana nebudiriro yedzidzo yepamusoro zvichizoitawo kuti nyika isimukire. Tinoda michina muzvikoro zvepamusoro izvi kuitira kuti vadzidzi vawane ruzivo chairwo rwezvavanozosangana nazvo kana vapedza zvidzidzo.

“Ruzivo rwavanowana rwunozovabatsira kana vave kuita mabasa mumaindasitiri. Zvino pari zvino michina iri mumayunivhesiti nemakoreji yapera basa zvekuti haichafambirana nezviriko zvino, izvi tinoda kuti zvipere.”

Cde Muchinguri vanoti nyika ino iri kuda zvirongwa zvekudzidzisa vadzidzi vakapedza fundo mumayunivhesiti nemakoreji kuti vafambirane nezviri kudiwa nedonzvo rebudiriro yeZimbabwe pari nhasi.

“Vana ivava vanoda kubatsirwa nemari dzekuti vazvishandire. Kunyika dzakaita seIndia zviriko zvirongwa zvinobatsira vana vanenge vapedza dzidzo yavo ava. Vanopihwa mari dzekuzvitangira mabasa anoita kuti nyika ibudirire,” vanodaro.

Cde Muchinguri vanotizve pari zvino Zimbabwe iri kuda vanhu vanodzidzira kututsira kukosha kwezviwanikwa zvemuno (beneficiation) ndokuti mayunivhesiti anofanirwa kutarisa gwara iroro.

“Tinoda vanhu vanokwenenzvera madhaimondi, vanoisa madomasi mumagaba nekuti ari kupera kuwora kumisika uko, vanoomesa kana kufusha muriwo kana kugadzira zvirindiro (incubators) zvenhiyo kwete kungoitirwa kunze kwenyika.”

Gurukota iri rakatizve vana vanoita zvidzidzo zveScience vanofanirwa kupesvedzerwa kuburikidza nekuvatsigira nemari dzemaScholarship kana dzimwe dzinoita kuti vanzwe manyuku-nyuku ekuda kuita zvidzidzo zvinosimudzira nyika.

Zvichakadai, Cde Muchinguri vanoti Hurumende iri mubishi rekugadzirisa matambudziko ari kusangana nevadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji ayo anosanganisira kunetseka nemari yefundo pamwe nekushaya pekugara pakasununguka.

Vakataura izvi svondo rapera muHarare apo vaiparura zviri pamutemo bhajeti reZimdef.
“Vadzidzi vari kunyunyuta maerano nenyaya dzemabhadhariro emari dzechikoro, pekugara, zvakare nezvekushandisa muzvidzidzo zvavo. Izvi tiri kuzvigadzirisa, zvichemo zvavo zvakasvika kwatiri apo vanoti vanoda zvikwereti zvemari yekudzidza zvisingaite sechimbadzo nekuvakirwa makamuri ekugara pachikoro. Ndizvo zvinhu zvatiri kutarisa sebazi kuti tigadzirise,” vakadaro Cde Muchinguri.

“Kuvandudzwa kwedzidzo ndiko kusimudzirwa kwenyika, naizvozvo donzvo redu nderekuti vadzidzi vawane fundo yakazara, ine hungwaru.”
Vakati vamwe vadzidzi, zvikuru vanasikana, vari kusangana nematambudziko ekushaya pekugara pangave payunivheisti kana pakoreji izvo zvinozovatuma kuita mabasa asiriwo.

Akafanobata chigaro chemukuru wesangano rinomirira vadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti, reZimbabwe College Students Union, Leopard Chakanyuka, anoti donzvo redzidzo yepamusoro nderekuumba nyika nevatungamiri vemangwana.

“Hurumende inofanira kutipawo mari yakawanda kubazi redu nekuti zvinoda kugadziriswa zvakawanda, ngatifambirane nenguva vadzidzi vachiwaniswa zvakaita semakombiyuta kumakoreji nemayunivhesiti.

“Vadzidzi havafanirwe kushaiwa zvese zvinodiwa kushandisa muzvidzidzo zvavo. Tinofanirwa kukwikwidza nevamwe vepasi rose mukuburitsa vanhu vakadzidza zvine mutsindo,” akadaro Chakanyuka.
Akati vadzidzi vasingakwanise kuzvibhadharira mari yefundo vanofanirwa kubatsirwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey