‘Ecd ndiyo hwaro hwedzidzo’

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

VABEREKI vari kukurudzirwa kukoshesa dzidzo yevana yeEarly Childhood Development (ECD) sezvo iri iyo inovapa hwaro hwakanaka hwefundo.

Mashoko aya akataurwa naMai Sheilah Mashiri, avo vanove muzvinhabhizimusi wemuHarare, svondo rapera apo vaive muenzi anoremekedzwa pachikoro cheDombodzvuku Primary School, kwaMurehwa, pamhemberero dzekupedza zvidzidzo zvevana veECD.

Mai Mashiri vakati chikoro ichi ndicho chimwe chezvine ECD ine mukurumbira mudunhu reMurehwa.

“Ndinofara chaizvo kana ndichiwana mukana wekutaura pachikoro chine mbiri yakadai munharaunda panyaya dzekudzidzisa vana veECD. ECD ndihwo hwaro hwedzidzo yeramangwana revana.

“Ndine chivimbo zvakare kuti kuvapo kweECD kunobatsira kuumba vana kuti vange vachizogona muchikoro zvakanyanya mangwana. Chishuwo changu kuti vabereki vabatane nevarairidzi vemune zvimwewo zvikoro mukukurudzira zvirongwa zvakaita secheECD sezvo zvichisimudzira zita renyika munyaya dzedzidzo,” vakadaro.

Mai Mashiri vakavimbisa kutengera shangu vana vepachikoro ichi vanosvika 100 vemagwaro akasiyana.

Mukuru wechikoro ichi, VaPhidelis Mukubvu, vakatsinhira mashoko aya vachiti vana vanenge vachigona muzvidzidzo zvavo vanofanira kutunzvaidzwa.

“Mibairo yanga ichipihwa vana yakafanana nemabhuku zvinyoreso nezvimwewo zvekushandisa muchikoro inzira yekuti vakure vaine pfungwa yekuti kudzidza kune mubairo uye kuti vazive kukosha kwedzidzo.

“Vana vakakura vaine ruzivo rwekuti kugona chikoro kunowanisa mubairo zvinoitawo kuti vakwanise kukuridzira vamwe uye zvatiri kuita izvi tiri kupa zvimwe zvikoro chisveru kuti vaone kukoshesa kwatinoita kugona kwevana.

“Kupembererawo vana veECD kunokwezva vamwe vabereki vemunharaunda kuti vaunze vana vavo zvichizoita kuti vazotangisa kupinda kuchikoro vangwarira uye vave neruzivo rwunoita kuti chikoro chivarerukire,” vakadaro VaMukubvu.

Vana ava vakapihwa mibairo yekugona muzvidzidzo, kushambidzika, vakakunda vamwe mumitambo pamwe netsika dzakanaka.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey