Epworth High School haisi kumira

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Epworth High School haisi kumira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
CHIKORO cheEpworth High, chiri muHarare, chiri kubudirira muzvidzidzo zvemabasa emawoko zvinosanganisira kurima nekupfuya hove, izvo zvinoenderana nezviri mugwaro idzva rezvedzidzo, reNew Cirriculum.

Pachikoro apa pari kuitwa zvimwe zvidzidzo zvemabhindauko anosanganisira kuchengeta huku, tsuro, kusona nekubika.

Zvidzidzo izvi zvinofambirana zvakare nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

Mukuru wechikoro ichi, VaChristopher Kadenge, vanoti mabhindauko akadai sekupfuya hove, kuchengeta huku netsuro anobatsira vana mune ramangwana.

“Tine vana vanoita zvekurima saka vanoti kana zviya vachinge vafunda mukirasi voenda kudhamu kunoona machengeterwo ehove nekumatanga ehuku vachiona kuti huku dzinopfuiwa sei nekuziva chikafu nezvirwere zvinobata zvipfuyo izvi.

“Izvi zvinoita kuti vana vakurumidze kubata zvavanenge vachifundiswa. Mabhindauko aya ari kubatsira zvakare chikoro chino nekuti anotiwanisa mari apo tinotengesa mazai nehuku uye hove dzatinoraura mumadhamu maviri echikoro atakavakisa pano,” vanodaro.

Vanoti kumupande weHome Economics, vana vane zvitofu nemapoto zvavanoshandisa muzvidzidzo zvekubika uye michina yekusona mbatya idzo vanozotengesa.

Pachikoro apa pane makombiyuta akawanda ayo vadzidzi vanofundira zvidzidzo zveInformation and Communication Technology (ICT).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey