‘Farirai kudzidza shona’

09 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
‘Farirai kudzidza shona’

Kwayedza

VADZIDZISI nevana vechikoro vanoita chidzidzo cheShona svondo rapera vakaita musangano paOasis Academy, kuChitungwiza, wekupangana ruzivo maringe nenzira kana matanho angatorwe mukusimudzira kupaswa kwechidzidzo ichi mubvunzo.

Vaive vanoremekedzwa pachiitiko ichi, VaWebster Zvipforo, avo vanove Education Officer kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari kuchikamu cheNon-Formal Education Division kuChitungwiza, vakati Shona mutauro wakakosha uyo unofanira kusimbaradzwa.

“Shona ndiwo mutauro wedu usingafanire kuyeredzwa nemimwe mitauro. Musangano uyu uchabatsira vadzidzi nevadzidzisi kuti vafarire Shona pamwe nekupaswa kwayo nekuti mumakore adarika taiona vadzidzi vazhinji vachisiya chidzidzo ichi vamwewo vachifoira zvisinei nekuti ndiwo mutauro wavanoshandisa zuva nezuva,” vakadaro.

VaHenry Man’oro, avo vanove mukuru wechikoro ichi, vanoti musangano werudzi urwu ndewekutanga munhoroondo yedzidzo uye wakarongwa neChitungwiza Private Colleges Association.

“Chinangwa chedu ndechekuona kuti Shona yapaswa muzvikoro uye tichiramba tichiita zvirongwa zverudzi urwu. Tinotenda zvakare Hurumende nekuita kuti Shona inge ichicherechedzwa nevadzidzi vose mubvunzo dzavo,” vakadaro.

Vadzidzisi nevadzidzi vakapinda musangano uyu vakadzidza zvakawanda zvinosanganisira gadziriro yekunyora bvunzo dzeShona zvakadai sekuziva madimikira nezvirevo zvawo, tsumo, mipanda nezvinan’anuri uye vakatenda varongi vemusangano uyu.

Mutevedzeri wekumukuru anoona nezvekufambiswa kwemapepanhau kuZimpapers (assistant circulation manager), VaSimbarashe Manjiche, vakati vadzidzi vanofanira kudada nemutauro weShona.

Vakakurudzira vadzidzi kuti vaverenge bepanhau reKwayedza vachiti rinobatsira zvikuru kuumba mwana achigadzirira bvunzo dzeGrade 7, O- neA-Level sezvo riine zvikamu zvinonyorwa nenyanzvi idzo dzinopa mazano ekuti vangapase sei.

“Vadzidzi vazhinji vari kupasa Shona kuburikidza neKwayedza uye vamwe vanotouya kumahofisi kwedu vachitenda. Kana ukaverenga Kwayedza haufe wakatya kunyora bvunzo dzeShona nekuti inoita kuti pfungwa dzako dzive dzakarongeka uye zvizhinji zvirimo ndizvo zvinouya pabvunzo,” vakadaro.

Zvimwe zvezvikoro zvakapinda musangano uyu zvinosanganisira makoreji anoti Lindel, Young Africa, Boyance, Stategoes neSurbabane neManyame High izvo zvakapihwa mapepanhau anosanganisira Kwayedza neThe Herald pachena nekambani yeZimpapers.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey