Foromani aivengwa nevaitsvaga basa

08 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 9 (Ongororo)

Pfekedzaunhu (personification) tinoiona ichishandiswa muchitsauko ichi. Tinobva tanyatsa kunzwisisa kuti vanhu vaitambura zvakadini maererano nenyaya yekutsvaga basa.

Heuno muenzaniso wezvaitika apo vanhu vainge vakamira mumutsetse vachiforera basa.

“Sezvo kumira munzira kwaityisa raini rakati kugona hukwira nenzira ndichienda kurukusheni rweMukoba.

‘‘Rakafamba kwazvo asi rakazosvikazve pane imwe nzira rikati inga kuMukoba ndagumburwa rigoti kona, zvino roenda kuVhitori, richibva razoneta apo zuva rakanga richangobuda, ndiye kwaro tumbi” (40).

Tinozonzwa zvinozoita ziya nekupisa kwakwakaita.

Zvinonzi, “ziya rakamboita manyawi okuti nhai ndobuda, rikadakara rasiyawo zvakadaro (40). Ipapo nzara ikati haingadi kusarira mumashure semuswe.”

“Nyota ikati ndobatidzawo nenzara takambotekenyedzawo pahuro, asi hatina vazhinji vatakaburitsa mumutsetse.”

Zvozoti “Kuneta nokumira kwakamboedzawo kudzora mudungwe” (40) asi hazvina kushanda.

Iyo nyaya yekutsvaga basa iyi tinoona vanhu vazhinji vane zvavanotendera (beliefs).

Tinonzwa kuti pakati pevanhu vainge vari mumutsetse wekutsvaga basa “Mumwe nemumwe wavo waiva nen’anga yake yakamupa muti wemhanza waakanga akapfekera muvhudzi, pasi porurimi kana mushangu” (40).

Tinonzwazve kuti, “Mumwe nomumwe wavo aiva navadzimu vake vaaiteterera nechomumwoyo kuti vamuone” (40).

Dingindira rehuori tinoriona richitaurwa nezvaro.

Tinobva tataurirwa kuti, “Zvino foromani uyu akabva angomhanyira vake vakanga vagara vamurova chioko muhomwe” (41).

Tinonzwazve nezvedingindira iri paPeji 41 apo zvinonzi foromani uyu haana kuita rusaruraganda nekuti paingova neganda rimwe chete rakangoitawo serake, haana kuita rusaruraruzivo nokuti haana kumbotarira matsamba akanga akabatwa nevanhu, haana kuita rusarurahama “nokuti hama yake huru yaiva mari” (41).

Dzokororo yatinoona inobva yatiratidza kuti foromani uyu aisafarirwa zvakadini.

Hekunoi kushandiswa kwainoitwa: “Munhu akanga akatsamwirwa navanhu vese ava mumwe chete, foromani. Munhu wavaituka vese mumwe chete mhosva yokusashara mumwe nomumwe wavanhu vese ava kuti apinde basa, ndiforomani. Foromani ndiye akanga aita kuti Josiah arambe achitambura.

Dai pasina foromani uyu marovha ose omuGwelo angadai akapinda basa” (41).

Kudimikirwa kunoshandiswa kunoita kuti tinyatse kuona kuti chikwata chavana Josiah chaiba zvakadini.

Tinonzwa Josiah achidimikira achiti, “Kana maenda kunoraura makafanira kuva makangwara. Zivai madziva anodyira asi asina makarwe.

Madziva anotaridzika kuva okuruzevha ndiwo amunofanira kuraura, zvikuru kana ari echikadzi” (41).

Tinozonzwazve kudimikira uku kuchienderera mberi apo zvinonzi, “Anenge abata hove ngaarege kuita manyawi nokuti makarwe anobata vana manyawi” (42).

Tinozopedzisira nokunzwa kuti “Chikwata chavarauri ichi chaibata hove chaizvo” (42). Ndinofunga kuti kubva mukudimikira uku muverengi anogona kunzwisisa kuti munyori ari kurevei apo anoshandisa mazwi okuti “kuraura”, “madziva”, “makarwe”, “hove”, “zvirauro” na”murauri”.

Kumwe kudimikira tinosangana nako apo Josiah anotaurira shamwari dzake kuti muRungu wake ati vawandisa payadhi apo, ivo ndokuda kumuyambira vachiti ngaarege kurasa hama dzake achiti kwati kwati nemuRungu nekuti mangwana “uchazofuma wochema misodzi yemhepo isina anoona” (38) kana kuti anozofuma ava kuzvidemba asara ari oga.

Tinodzidzawo nezvevanhu nemaitiro aJosiah.

Zvinonzi muchinda uyu aigona kutaura zvekuti vanhu vaizogumisira vawirirana naye izvo zvinonzi “aigona kushandisa rurimi rwake” (39) uyewo kuti “norurimi rwake rwakaumbwa nemazenga ouchi” (34).

 (Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey