Goho refodya ringangoderera

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Goho refodya ringangoderera Cde Davis Marapira

Kwayedza

Cde Davis Marapira

Cde Davis Marapira

VARIMI vefodya vakarima chirimwa ichi nenzira yemadiridziro vakatangisa kukohwa panguva iyo pari kutyirwa kuti mwaka uno pachave nekuderera kwegoho nekuda kwekushomeka kwemvura yekunaya pamwe nekugaroenda kwemagetsi ayo anobatsira muchirongwa chemadiridziro.

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, Cde Davis Marapira, vakatsinhira nezvekuderera kwegoho refodya mwaka uno vachiti zvichakonzerwa nekushomeka kwemvura.

Vanoti kushomeka kwemvura yemudenga uku kuri kuderedza hunaku uye huwandu hwefodya.

“Zvirimwa zvizhinji zvakadiridzirwa zvakakura zvakanaka uye vamwe varimi vakatotangisa kukohwa nekupisa fodya yavo. Kune dzimwe nzvimbo idzo dzine madiridziro varimi vakange vachinyunyuta nekuda kwekugaroenda kwemagetsi. Kunonoka kunaya kwemvura kwakakanganisawo zvirimwa zvizhinji nokudaro hatisi kutarisira kuzowana fodya yakawanda mwaka uno,” vakadaro.

Kunze kwekushomeka kwemvura yemudenga, kuderera kwegoho refodya uku kunonzi kuri kukonzerwa zvakare nekudzikira kwaive kwakaita mitengo mwaka wadarika apo kg yakatanga ichitengeswa ne$0,30 ndokuzokwira nekufamba kwenguva.Mukushi mukuru wemashoko kuTobacco Industry and Marketing Board, VaIsheunesu Moyo, vanoti sangano ravo richaita ongororo yekuona kuti varimi vakarima fodya ine hudzamu hwakakura zvakadii mwaka uno.

“Parizvino, sangano reTIMB harisati rave pachinzvimbo chekuti ringe richizivisa nyika maringe nehuwandu hwefodya yariri kutarisira mwaka uno asi kuti richaita ongororo maringe nenhau iyi,” vakadaro.

Kurimwa kwefodya muZimbabwe kwakange kuri pamberi mumakore adarika zvichikonzerwa nemari yakanaka iyo yaitengwa nayo chirimwa ichi kumisika uye varimi vaibhadharwawo mari yavo nenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey