Grade 7, naticha danga

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Kupatsanura nekubatanidza mazwi

Ticha Danga—

TINODA zvino kuchipendera nyaya yekunyora zvakanaka muchikamu chino tichinanga nepatsanuro yemazwi iyo inopa vana dambudziko nguva zhinji.

Hazvinei kuti mhando dzekunyora nadzo dzava kushanduka, kunyora nezvinyoreso kuri kuenda kuchipera zvishoma nezvishoma kubudikidza nekuuya kwemakombiyuta. Izvi hazvibvise mitemo yepatsanuro nebatanidzo yemazwi naizvozvo hunyanzvi ihoho hunotakurwa kusvika muzviwanikwa zvanhasi.

Tinoda kutora uno mukana kuti tidzidzisane nzira chaidzo dzinobatanidzwa nekudamburwa kwemazwi.

Tine mazwi atinonyora ayo anotarisirwa kuti haafe akapatsanurwa mukunyorwa kwawo. Mazita ose anonyorwa akabatanidzwa seshoko rimwechete. Angava mazita avanhu kana enzvimbo kusanganisira amadunhurirwa chaiwo. Muenzaniso wekunyorwa kwemazita ndeuyu, Mabvuku, Chihota, Sarudzai kana kuti mabudazuva.

Mutemo iwoyo unobata chero mazita emadunhurirwa sekuti mukorakwafamombe,gamburandakaguta kana kuti chinzvengamutsvairo.

Zvino tinoona vana vazhinji vachipatsanura mazwi iwaya kunyanya amadunhurirwa. Unoona achinyorwa akadai; Chinzvenga mutsvairo, mukora kwafa mombe zvoita sokuti mazwi maviri kana matatu. Kuita kwakadai kunorerutsa nekudzikisira goho.

Kana ari mazita kana mazwi anodzokorodzwa sezita rese pasina kuumbwa kwezita idzva, panenge pachifanirwa kupatsanurwa. Izita rimwechete radzokorodzwa pasina kuvaka rimwe idzva.

Mubandiko remazita aya ndimo munopinda mazwi anoti gare gare, padoko padoko, rega rega kana kuti vakuru vakuru. Rikanyorwa richinzi garegare kana kuti vakuruvakuru yatova hosha yepatsanuro yemazwi inenge

yapinda.

Mazwi kana mazita anonyorwa kubva mumadzitsi (stem) nenyaudzira (syllables), nekudaro tinofanirwa kungwarira pakunobatanidza mazwi asingafanirwi kubatanidzwa. Kana zita richidzokorodzwa dzitsi chete rinonyorwa seizwi rimwechete ndokunge riine nyaudzira dzisingapfuuri mbiri.

Mubandiko iri ndimo munopinda mazwi akafanana nana pamusorosoro, mutetetete kana kuti rungwanangwana. Vamwe ndipo paunoona vachipatsanura mazwi akadai vachianyora sezvizvi; pamusoro soro, mutete tete kana kuti rungwana ngwana. Vakwenyi vezvinyorwa zvedu vanoziva mhosho dzinoitwa navana nekudaro vanenge vakaburitsa ziso kuti vadzure zvibodzwa.

Mukuvakwa kwemazita kana mazwi tinosangana nemamwe ane nyaudzira dzedzitsi rezita rakadzokorodzwa dzinopfuura mbiri. Kana zvadai zvoreva kuti iri zita rinodimburwa ronyorwa muzvidimbu zvinenge zvakaparadzaniswa nekasungaizwi (hyphen).

Mazwi anokwana mumukaha uyu ndiwo akafanana nana chamutswinye-mutswinye, mangwanani-ngwanani kana kuti zvitema-tema.

Aya mazwi haafanirwi kubatanidzwa kana kupatsanurwa pasina kasungazwi. Mitemo iyoyi ndiyo inoongororwa nevakwenyi vebasa, ndipo pamunozonzwa zvonzi chiShona chakaoma dzokono vanhu vototadza kuwana goho repamusorosoro.

Zvino kune mamwe mazwi anonyorwa achidzokorodzwa sezwi rese, asi kudzokorodzwa uku kuchizounza izwi idzva. Izwi idzva iri rinenge risingarevi zvanga zvichirehwa nezwi radzokorodzwa riri rega. Mazwi kana mazita aya anonyorwa sezita rimwechete sekudai; mheremhere, kachekache, chimbichimbi kana kuti mesomeso.

Ndipo unoona mune zvimwe zvinyorwa akapatsanurwa sokudai; meso meso, mhere mhere kana kuti chimbi chimbi.

Paya patinogadzira zvinyorwa zvedu zvakaita serondedzero ndipo panonyanyokuonekwa kuposha kwedu munyaya dzemitemo inobata kupatsanurwa kana kubatanidzwa kwamazwi.

Hutsanzi hwekuronga chinyorwa kuti chive chemhando yepamusoro hunodaidza hunyanzvi hwekuziva patsanuro yakakodzera yemazwi. Muchikamu chinotevera ndimo matichapendera nemitemo yasara iri maererano nekupatsanurwa nekubatanidzwa kwemazwi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey