Hazard asendeka shangu dzenhabvu

10 Oct, 2023 - 15:10 0 Views
Hazard asendeka shangu dzenhabvu Eden Hazard

Kwayedza

Eden Hazard nhasi azivisa kuti asendeka shangu dzake dzekutamba nhabvu aine makore 32 okuberekwa, izvo zvaataura padandemutande paSocial Media.

Mutambi uyu anga asina chikwata chekutambira zvichitevera kubva kwaakaita kuReal Madrid yekuSpain mwaka uno uko kwaakatamba mitambo 76.

Zvichitevera kubva kwake kuMadrid, kudzoka kunhabvu yepamusoro-soro kwairatidzika sekusiri kuuya sezvo Hazard aiti anoda kusendeka shangu dzake.

Mutambi uyu anonzi anga achidiwa nezvikwata zvakasiyana zvekuEngland zvichitevera kubva kwaakaita kuMadrid, asi kugara achikuvara-kuvara kwakamutadzisa kuti pawane chinomutora.

Achinyora papeji rake paInstagram, aimbove mutambi weChelsea uyu, akazivisa nezvedanho raatora rekusiya kutamba nhabvu zvachose.

“Unofanira kuzviteerera woti mira panguva chaiyo.

”Mushure memakore 16 uye nemitambo inodarika 700 yatambwa, ndatora danho rekusiya kutamba nhabvu.

”Ndakakwanisa kuzadzisa chishuwo changu, ndakatamba uye nekunakidzwa mumitambo kunhandare dzakasiyana pasi rose.

”Panguva yangu ndakaita rombo rakanaka rekusangana nemamaneja makuru, varairidzi nevatambi vakawanda vepamusoro – ndinokutendai mese nenguva idzi dzakanaka, ndichakusuwai mose.

”Ndinodawo kutenda zvikwata zvandakatambira: LOSC, Chelsea neReal Madrid; uye ndotenda RBFA yekuBelgian nekundisarudza kwamaiita.

”Kutenda kwakakosha kunoenda kumhuri yangu, shamwari dzangu, vanachipangamazano vangu uye nevanhu vanga vari pedyo neni munguva dzakanaka nedzakashata.

”Pakupedzisira, ndinokutendai zvikuru imi, vatsigiri vangu, mainditevera kwemakore ese aya uye nekurudziro yenyu yese kwese kwandaitamba.

”Ino ndiyo nguva yekunakidzwa nevari pedyo neni uye kutsvaga zvimwe zvitsva zvekuita. Toonana kunze kwenhandare hama dzangu,” anodaro Hazard — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey