Hunyanzvi hwekupenda machira

21 Dec, 2022 - 10:12 0 Views
Hunyanzvi hwekupenda machira VaHenry Muriya) nemudzimai wavo, Mai Miriam Muriya vachipenda machira uye kutaridza mamwe emachira avakapenda.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME nemudzimai wake vanogara kuGreendale padyo nenzvimbo yemabhizimisi yeKamfinsa, muguta reHarare, vari krarama nekudhirowa mifananidzo pamachira nekuapenda vachizotengesa mubasa rinozivikanwa nekuti “batik” muchirungu.

VaHenry Muriya (59) nemudzimai wavo, Miriam Muriya (52), vanoti bhindauko iri rasimudzira upenyu hwavo zvakanyanya.

VaMuriya vanoti basa iri vakaritanga vasati varoora vachishanda kuchitoro chemukoma wavo chaitengesa zvakasiyana muguta reHarare.

Vanoti vakazoroora, ndokudzidzisawo mudzimai wavo basa rimwe chete iri.

“Ndakatanga zvekupenda machira izvi kuma1980 ndichishanda kuchitoro chemukoma wangu muguta reHarare chaitengesa zvakasiyana-siyana. Ndakaita mukurumbira, mari ikauya chaizvo.

“Ndakazoroora ndikadzidzisa mudzimai wangu basa iri ndokuenderera mberi tose tikatenga dzimba 4, kusanganisira yatinogara iyi nedzimwe mbiri kumisha yeshoroma neimwe kuMabvuku,” vanodaro VaMuriya.

Vanoti vanotenda mukoma wavo, VaDamson Muriya, akavadzidzisa basa.

“Tichiita basa iri nemudzimai wangu, takambosvika nguva yatakapinza vanhu mabasa vaidarika 15 vaicheka machira nekupenda nekuita zvakasiyana tichiitira pamba pedu pano. Takamboenda kunovhura fekitari kwaBhora (kuGoromonzi).

“Basa iri rakatisimudzira tikamboita makombi matatu, idzo motokari dzikaita fararira pamusha pano,” vanodaro VaMuriya.

Mai Muriya nababa Muriya

Machira avanopenda vanoisawo mifananidzo yemhuka nezvimwe zvinoyevedza.

“Machira aya anosanganisira ekuisa pamasofa, epamibhedha, macurtains, maapuroni, nguwani tinogadzira zvakare, machira ekumonera nezvimwe zvakasiyana,” vanodaro VaMuriya.

Machira avanogadzira anonyanya kufarirwa neruzhinji vanoti ndeemhando yeAfrican Attire.

“Zvimwe zvatinogadzira pano zvinosanganisira zvikwama, mabhegi makuru emadzimai neevarume nemasatchel. Machira edu taimbotengesa kunze kwenyika achitakurwa nendege isuwo tichimboenda nawo toga. Makasitoma edu akapararira nepasi rose,” vanodaro VaMuriya.

Zvimwe zvezvivezwa zvematombo zvaVaHenry Muriya. – Mifananidzo naNicholas Bakili.

Zvisinei, vanoti basa ravo rakazodzikira pakatanga denda reCovid-19 mugore ra2020.

“Covid-19 yauya, makasitoma edu aibva kune dzimwe nyika vakabva varega kuuya ndege dzamiswa kufamba nemiganhu yenyika yavharwa. Isu vacho kufamba kwakanga pasisina, basa rose ndokudzikira kusvika nanhasi. Mari dzataiva takakwereta dziri kudiwa apo basa hapasisina,” vanodaro.

Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, vanoti vakatengesa maMini bus avaiva nawo matatu, mota dzeBMW mbiri nedzimba nhatu vakasara neimwe chete nekuda kwezvikwereti.

“Machira atinopenda tinoatenga muno nekuSouth Africa uyewo nekune dzimwe nyika. Tava kutotsvaga mari yezvikwereti kuti tikwanise kusimuka zvakare,” vanodaro VaMuriya.

Rimwe basa ravanoita rekuveza matombo, vanoti rakadzikira zvakare sezvo vanhu vari kutenga vave vashoma.

Mai Muriya vanoti basa rekupenda machira iri ndiro rakarera mhuri yavo yevana vatatu kusvikira vapedza chikoro nekutangawo dzimba dzavo.

VaHenry Muriya vachirakidza rimwe remachira avo

“Basa redu raidadisa kusvikira razotanga kudzikira zvakazonyanya pakauya denda reCovid-19 tikatengesa midziyo yakawanda. Tichiri kuita zvedu asi zvadzikira. Ndinoyeuka pano pamba pachizara vachena vaibva kunze makasitoma edu nevemuno,” vanodaro Mai Muriya.

Vanoti vanotarisira kuti basa ravo richadzokera pamamiriro akare.

“Ndinoshanda pamwe chete nemurume wangu uyewo ndinokurudzira mamwe madzimai kuti vaite mubatirapamwe chete nevarume vavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey