Huwandu hwemukaka hwoderera

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Huwandu hwemukaka hwoderera

Kwayedza

HUWANDU hwemukaka munyika hunonzi huri kuramba hwakaderera zvikuru sezvo parizvino Zimbabwe iri kubura marita 55 miriyoni pagore kana zvichienzaniswa ne120 miriyoni ayo anodiwa kuti nyika inge ichiringana.

VaAdmore Waniwa vanove murongi mukuru kuchikamu cheDairy Service Unit icho chiri pasi pebazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro vanoti pari kutorwa matanho akasimba akananga kusimudzira bhizimusi remukaka munyika.

“Mushandirapamwe wakaitwa nevarimi vemukaka wakaita kuti pave neshanduko huru munyaya dzekuwanda kwemukaka apo hwakawedzera kubva pamarita 37 miriyoni muna 2009 kusvika pa55 miriyoni mugore ra2014.

“Tinofanira kusunga dzisimbe nekuti hatisati takwanisa kuzadzikisa huwandu hwemukaka hunodiwa nenyika pagore hwemarita 120 miriyoni,” vakadaro.

VaWaniwa vanoti varimi vemukaka vanofanira kutsigirwa nezvekushandisa kuti vange vachikwanisa kubura mukaka wakawanda.

“Mugore ratiri kupinda ra2016 munoda kuitwa basa guru rekutsigira varimi neruzivo rwekukosha kwemukaka, zvikuru mukusimudzira utano hwenyika.

“Mukaka wakakosha zvakanyanya pautano uye unoshandiswa mukugadzira zvinhu zvakasiyana izvo zvinogona kutengeswa kumisika mikuru pasi rose,” vakadaro.

Zvakadaro, gurukota rezvehomwe yenyika, Cde Patrick Chinamasa, vanoti mugore ra2016, Hurumende ichatsigira zvirongwa zvekusimudzirwa kwehuwandu hwemombe dzemukaka idzo parizvino dzinove 28 000.

“Hurumende icharamba ichishanda pamwe nevatsigiri vari muindasitiri yemukaka nedonzvo rekusimudzira bhizimusi iri munyika,” vakadaro.

Hurumende yakavamba zvakare homwe yekutsigira vari mumabhizimisi emukaka inodaidzwa kunzi Dairy Resuscitation Fund iyo ine donzvo rekuwedzera huwandu hwemombe dzemukaka nemukaka wacho.

Pasi pechirongwa ichi, zvakabvumiranwa kuti pachange pachichajwa $0,10c papakiti imwe chete yemukaka unobva kunze kwenyika uye mari iyi ichaendeswa kuhomwe iyi.

Mari iyi ndiyo ichashandiswa mukusimudzira bhizimusi remukaka munyika kuburikidza nezvakaita sekutenga mabhuru emombe kana kuti mbeu yawo kubva kunze kwenyika kuitira kuti mombe dzemuno dzive dziri dzemhando yepamusoro-soro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey